Chitsauko 52
Kuparadzwa kwemaJaredhi
Makore mazhinji akapfuura, uye maJaredhi vakave vakaipa. Ishe vakatumira vaporofita kuti vavataurire kuti vatendeuke, kana kuti vakasadaro vaizoparadzwa.
Vanhu havana kuteerera vaporofita. Vakaedza kuvauraya
Kwakave nehondo nenzara munyika MaJaredhi vazhinji vakafa
Ishe vakatuma mumwe muporofita, ainzi Eta. Akaparidza kubva mangwanani kusvika manheru, achiudza maJaredhi kuti vatende muna Mwari uye vatendeuke.
Eta akaudza maJaredhi kuti kana vakatenda muna Mwari, nerimwe rezuva vaizokwanisa kugara naBaba Vekudenga munyika iri nani.
Eta akataurira maJaredhi zvinhu zvakawanda zvakakosha, asi havana kumubvuma. Vakaita kuti abve muguta.
Eta aihwanda mubako masikati, kuti asauraiwe. Usiku aibuda achindoona zvainge zvichiitika kune maJaredhi.
Akapedza kunyora nhoroondo yemaJaredhi paainge akahwanda.
Ishe vakatuma Eta kuna Korianduma, uyo aive mambo wemaJaredhi akaipa. Eta akamutaurira kuti atendeuke, kana kuti akasaita kudaro aizorarama kuona vanhu vake vose vachiuraiwa
Korianduma nevanhu vake havana kutendeuka. Akaedza kuti Eta auraiwe, asi Eta akamhanya akanohwanda mubako.
Vanhu vaive vakaipa zvekuti Ishe vakatuka nyika. Havaikwanisa kuisa zvombo neminondo yavo pasi nekuti nepazuva raitevera vaiwana zvisisipo.
MaJaredhi vose vakarwa muhondo, kusanganisira vakadzi nevana. Korianduma akatungamirira rimwe uto uye murume ainzi Shizi akatungamiririra rimwe.
Korianduma naShizi vaive varume vakaipa. Mweya Mutsvene wakanga wasiya maJaredhi nekuda kwehuipi hwavo. Satani akanga ave nesimba rizere kwavari.
MaJaredhi vakarwisana kusvikira Korianduma naShizi varivo chete vakanga vasara. Apo Shizi paakarukutika nekuda kwekurasikirwa neropa rakawandisa, Korianduma akamugura musoro.
Huporofita hwaEta hwakanga hwazadzikiswa: Korianduma ndiye aiva muJaredhi mupenyu wekupedzisira. Akawanikwa nevanhu veZarahemura.
Eta akapedza kunyora nhoroondo yemaJaredhi. Vakanga vaparadzwa nokuda kwehuipi hwavo. Zvinyorwa zvemaJaredhi pashure zvakazowanikwa nemaNifai.