Chitsauko 33
Varume vaMambo vanopikisina neVarume Vakasungunuka
Apo Pahorani paakaramba, vanhu vakashatirwa uye vaida kubvisa Pahorani semutongi mukuru. Vaida kuva namambo, kwete vatongi.
Vainzi varume vamambo, vaitarisira kuti mumwe wavo aizova mambo uye ova nesimba pavanhu.
MaNifai avo vaida kuti Pahorani arambe ari mutongi mukuru vainzi varume vakasungunuka. Vaida kuva nerusununguko rwekurarama nekunamata sokusarudza kwavo.
Vanhu vakaita sarudzo pakati pevarume vakasununguka nevarume vamambo. Vazhinji vavo vakasarudza varume vakasununguka.
Panguva imwecheteyo, Amarakiya aiunganidza boka guru revarwi vechiRamani kuti vanorwisa maNifai.
Apo varume vamambo pavakanzwa kuti maRamani akanga ouya, vakafara uye vakaramba kubatsira kudzivirira nyika yavo.
Mutungamiri Moronai akashatirirwa varume vamambo nokuti havana kurwa. Akanga ashanda nesimba kuti achengete maNifai vakasununguka.
Akakumbira gavhuna simba rekumanikidza varume vamambo kuti varwe nemaRamani kana kuti vaizouraiwa.
Apo gavhuna, Pahorani, paakapa Moronai simba iri, Moronai akatungamirira mauto ake kunorwisa varume vamambo.
Varume vamambo vazhinji vakauraiwa; vamwe vakaiswa mutirongo. Vamwe vese vakabvuma kubatsira kudzivirira nyika yavo kubva kumaRamani.