Chitsauko 18
Aruma Mudiki Anotendeuka
Aruma naMambo Mosaya vainetsekana nekuda kwekuti avo vakanga vasingatende vaitambudza nhengo dzeChechi nekuda kwezvitendero zvavo.
Aruma aive nemwanakomana ainzi Aruma. Aruma Mudiki akanga asingatende mudzidziso dzababa vake uye akave murume akaipa.
Aruma Mudiki nevanakomana vana vaMambo Mosaya vakarwisana neChechi. Vakanyengetedza vanhu vakawanda kuti vabude muChechi uye vave vakaipa.
Aruma akanamata kuti mwanakomana wake aizodzidza chokwadi uye agotendeuka.
Aruma Mudiki nevanakomana vaMambo Mosaya vakaramba vachiedza kuparadza Chechi.
Rimwe zuva ngirozi yakazviratidza kwavari. Yakataura nezwi raiva pamusoro iro rakakonzera kuti pasi pazunguzike.
Vakomana vechidiki vashanu vakavhunduka zvikuru zvokuti vakapunzikira pasi. Pakutanga vakatadza kunzwisisa izvo zvaitaurwa nengirozi.
Ngirozi yainge yauya mumhinduro kuminamato yenhengo dzeChechi. Ngirozi yakabvunza Aruma Mudiki kuti sei akanga achirwisana neChechi.
Pasi pakazunguzika apo ngirozi payakataurira Aruma Mudiki kuti arege kuedza kuparadza Chechi .
Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya vakawira pasi zvekare. Vakanga vaona ngirozi, uye vakaziva kuti simba raMwari rakanga razungunusa pasi.
Aruma Mudiki akashamiswa zvikuru zvokuti akatadza kutaura. Akapera simba , zvekuti akatadza kusimudza kana maoko ake.
Vanakomana vaMosaya vakatakura Aruma Mudiki ndokuenda naye kuna baba vake uye vakavaudza zvose zvakanga zvaitika kwavari.
Aruma akafara. Akaziva kuti Mwari vakanga vapindura minamato yake.
Aruma akadaidza vanhu vazhinji pamwechete kuti vaone zvakanga zvaitwa naIshe kumwanakomana wake nekuvanakomana vaMosaya.
Aruma, pamwechete nevamwe vatungamiri veChechi vakatsanya nokunamata uye vakakumbira Mwari kuti vabatsire Aruma Mudiki ave akasimba zvakare.
Mushure memazuva maviri neusiku huviri, Aruma Mudiki akanga avakukwanisa kutaura nekufamba.
Akataurira vanhu kuti akanga atendeuka kuzvivi zvake, uye Mwari vakanga vamuregerera.
Akadzidzisa kuti munhu wose anofanira kuva akarurama kuti apinde muumambo hwaMwari. Akataurawo nezvekurwadziwa kukuru kwaakanga aita nekuda kwezvivi zvake.
Aruma Mudiki akafara nekuti akanga atendeuka uye Mwari vakanga vamuregerera. Aiziva kuti Mwari vaimuda.
Aruma Mudiki nevanakomana vaMambo Mosaya vakatanga kudzidzisa chokwadi munyika yose, vachitaurira munhu wose zvavakanga vaona nekunzwa.
Vakaedza kugadzirisa zvakaipa zvavakanga vaita. Vakatsanangura magwaro matsvene kuvanhu uye vakavadzidzisa pamusoro paJesu Kristu.
Mwari vakakomborera Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya apo pavaidzidzisa vhangeri. Vanhu vazhinji vakavateerera uye vakatenda.