Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Chitsauko: 50 MaJaredhi Anobva muBhabheri


Chitsauko 50

MaJaredhi Anobva muBhabheri

Jaredhi nemukoma wake vachitaura

Jaredhi nemukoma wake vaive varume vakarurama vaigara muguta rainzi Bhabheri. Vakagara mazana emakore maNifai asati aveko.

vanhu vakaipa muBhabheri

Vazhinji vevanhu muBhabheri vaive vakaipa. Vakavaka shongwe yekuedza kuenda kudenga. Mwari vakatsamwa ndokushandura mutauro wavo.

Jaredhi achitaura nemukoma wake

Jaredhi akaudza mukoma wake kuti anamate uye akumbire Ishe kuti vasashandure mutauro wemhuri neshamwari dzavo.

mukoma waJaredhi achinamata

Mukoma waJaredhi akanamata, uye Ishe akapindura munato wake. Jaredhi, mukoma wake, uye nemhuri neshamwari dzavo vainzwisisana.

Jaredhi nemhuri vachibva

Ishe vakaturira mukoma waJaredhi kuti aunganidze mhuri neshamwari dzake uye vabve munyika. Vakatora zvipfuyo zvavo nembeu dzemhando dzose.

MaJeredhi  vari parwendo

Ishe vakati vaizotungamirira maJaredhi kunyika yechipikirwa.

MaJaredhi

MaJaredhi akabata shiri nehove dzekuenda nadzo.

nyuchi dzeuchi

Vakatora mikuze yenyuchi dzeuchi

MaJaredhi vari parwendo

MaJaredhi vakaenda murenje. Ishe vakataura navo vari mugore uye vakavaudza gwara rekutevedza.

MaJaredhi

Ishe vakati vanhu vaigara munyika yechipikirwa vaifanira kushandira Mwari kana kuti vaizoparadzwa.

MaJaredhi anodzika misasa kumahombekombe eGungwa

Apo MaJaredhi pavakasvika kumahombekombe egungwa,vakavaka misasa yavo nematende. Vakagara pamahombekombe egungwa kwemakore mana.