Chitsauko 50
MaJaredhi Anobva muBhabheri
Jaredhi nemukoma wake vaive varume vakarurama vaigara muguta rainzi Bhabheri. Vakagara mazana emakore maNifai asati aveko.
Vazhinji vevanhu muBhabheri vaive vakaipa. Vakavaka shongwe yekuedza kuenda kudenga. Mwari vakatsamwa ndokushandura mutauro wavo.
Jaredhi akaudza mukoma wake kuti anamate uye akumbire Ishe kuti vasashandure mutauro wemhuri neshamwari dzavo.
Mukoma waJaredhi akanamata, uye Ishe akapindura munato wake. Jaredhi, mukoma wake, uye nemhuri neshamwari dzavo vainzwisisana.
Ishe vakaturira mukoma waJaredhi kuti aunganidze mhuri neshamwari dzake uye vabve munyika. Vakatora zvipfuyo zvavo nembeu dzemhando dzose.
Ishe vakati vaizotungamirira maJaredhi kunyika yechipikirwa.
MaJaredhi akabata shiri nehove dzekuenda nadzo.
Vakatora mikuze yenyuchi dzeuchi
MaJaredhi vakaenda murenje. Ishe vakataura navo vari mugore uye vakavaudza gwara rekutevedza.
Ishe vakati vanhu vaigara munyika yechipikirwa vaifanira kushandira Mwari kana kuti vaizoparadzwa.
Apo MaJaredhi pavakasvika kumahombekombe egungwa,vakavaka misasa yavo nematende. Vakagara pamahombekombe egungwa kwemakore mana.