Chitsauko 35
Mutungamiri Moronai naPahorani
Asi Hiramani nemauto ake vaida rubatsiro. Vakanga vasina masoja akakwana ekudzivirira maguta akawanda kudaro.
Mutungamiri Moronai akanyora tsamba kuna Pahorani, mutongi mukuru uye gavhuna. Akakumbira Pahorani kuti atumire mamwe masoja kuzobatsira mauto aHiramani
MaRamani vakarwisa guta remaNifai iro Hiramani raakanga atora zvakare. Vakauraya maNifai akawanda uye vakadzinga vamwe vese kubva muguta.
Ashatirwa nevatungamiri vehurumende nokuda kwekuti vakanga vasina kutumira rubatsiro, Moronai akanyora imwe tsamba kuna Pahorani.
Mutungamiri Moronai akanyora kuti vanhu vazhinji vakanga vauraiwa nokuda kwekuti Pahorani akanga asina kutumira mamwe masoja.
Kana Pahorani akasatumira varume uye zvokudya nekukurumidza, Moronai aizotora mauto ake kuenda kuZarahemura uye wonotora zvinhu zvaidikanwa nemauto ake.
Nenguva diki Moronai akatambira tsamba kubva kuna Pahorani. Akanga akasuwa zvikuru kuti Moronai nemauto ake vakanga vachitambura.
Pahorani akaudza Moronai kuti boka remaNifai akaipa rainzi varume vamambo rakanga risingadi kuti ave mutongi mukuru. Vakanga vamunanikidza iye nevatsigiri vake kubuda muZarahemura
Pahorani akawedzera kuti akanga achiunganidza pamwechete mauto kuti vaedze kutora zvakare Zarahemura.
Varume vamambo vakanga vasarudza mambo kuti ave mutungamiri wavo uye vakanga vabatana nemaRamani.
Pahorani aiva asina kushatirwa nezvakanga zvanyorwa naMoronai. Aida kuti maNifai vasunungukewo.
Akakumbira Moronai kuti aunze varume vashoma kuzomubatsira uye akati kana Moronai akaunganidza varume vakawanda munzira yekuenda kwaari, mauto akabatanidzwa iwayo aizokwanisa kutora zvakare Zarahemura.
Mutungamiri Moronai akafara kuti Pahorani akanga achakatendeka kunyika yake uye kuti akanga achiri kuda rusununguko rwevanhu vake.
Nevashoma vevarume vake, Moroni akaenda kunosangana naPahorani. Akatakura mureza werusununguko, uye zviuru zvevarume zvakabatana navo nemunzira yokuendako.
Mauto akanga abatanidzwa aMoronai naPahorani akafora kunorwisa Zarahemura. Vakauraya mambo wemaNifai akaipa uye vakatapa varume vake.
Moronai zvino akatumira zvokudya uye masoja zviuru gumi nezviviri kunobatsira mauto echiNifai. Mauto aya akatandanisa maRamani kubva munyika, uye munyika makava nerunyararo zvakare.