Chitsauko 19
Vanakomana vaMambo Mosaya Vanova Vashumiri
Mufananidzo
vanakomana vaMosaya
Vanakomana vaMosaya vakanga vatendeuka kuzvivi zvavo uye vakanga vaine urombo nematambudziko avakanga vakonzera. Vaiziwa kuti vhangeri raive rechokwadi, uye vaida kuridzidzisa kune vamwe.
Mufananidzo
vanakomana vaMosaya vachitaura
Mumwe nemumwe wevanakomana vaMosaya akaramba kuva mambo. Pachinzvimbo pazvo, vaida kuve vashumiri kumaRamani uye kuti vagoverane navo makomborero evhangeri.
Mufananidzo
Mambo Mosaya achinamata
Mambo Mosaya akanamata kuti azive kana aifanira kurega vanakomana vake vachienda. Mwari vakamutaurira kuti avarege vachienda, uye kuti vaizodzivirirwa. MaRamani mazhinji vaizotenda shoko ravo.
Mufananidzo
vakomana vana vachinamata
Vanakomana vaMosaya vakaenda kunodzidzisa maRamani. Vakatsanya nekunamata kuti vaizove vashumiri vakanaka.