Chitsauko 7
Kuvaka Ngarava
Nifai akanga asingazive magadziriro engarava, asi Ishe vakati vaizomuratidza. Vakataurira Nifai kwekuwana simbi yekugadzirisa zvishandiso zvaaizoda.
Ramani naRemueri vakaseka Nifai nekuda kwake kuvaka ngarava. Havana kubvuma kuti Ishe vakanga varatidza Nifai kuti anoita sei. Vakaramba kubatsira.
Nifai akataurira Ramani naRemueri kuti vatendeuke uye vasapanduke. Akavayeuchidza kuti vakanga vaona ngirozi. Akavataurirawo kuti Mwari vanesimba rekuita zvinhu zvose.
Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai uye vaida kumukanda mugungwa.
Apo pavakafamba vakananga kuna Nifai, akavaraira kuti vasamubate nokuti akanga akazadzwa nesimba raMwari. Ramani naRemueri vakatya kwemazuva mazhinji.
Zvino Ishe vakataurira Nifai kuti abate Ramani naRemueri. Apo Nifai paakavabata, Ishe vakavavhundutsa. Ramani naRemueri vakaziva kuti simba raMwari rakanga riina Nifai.
Nifai akataurira Ramani naRemueri kuti vateerere vabereki vavo uye vateerere Mwari. Nifai akati kana vakaita izvi, vaizoropafadzwa.
Ramani naRemueri vakatendeuka uye vakabatsira Nifai kuvaka ngarava.
Nifai akaenda kugomo nguva zhinji kuno namatira rubatsiro. Ishe vakamudzidzisa mavakirwo engarava.
Apo Nifai nemadzikoma ake pavakanga vapedza kuvaka ngarava, vakaziva kuti yakanga iri ngarava yakanaka. Vakatenda Mwari nekuvabatsira.