Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Chitsauko 7: Kuvaka Ngarava


Chitsauko 7

Kuvaka Ngarava

Mufananidzo
Nifai

Mushure mekunge mhuri yaRihai yaita misasa padivi pegungwa kwemazuva akawanda, Ishe vakataura naNifai. Vakamutauria kuti avake ngarava yekutakura mhuri yake kuenda kunyika yechipikirwa.

Mufananidzo
Nifai achigadzira zvishandiso

Nifai akanga asingazive magadziriro engarava, asi Ishe vakati vaizomuratidza. Vakataurira Nifai kwekuwana simbi yekugadzirisa zvishandiso zvaaizoda.

Mufananidzo
Ramani naRemueri vaina Nifai

Ramani naRemueri vakaseka Nifai nekuda kwake kuvaka ngarava. Havana kubvuma kuti Ishe vakanga varatidza Nifai kuti anoita sei. Vakaramba kubatsira.

Mufananidzo
Nifai achitaura kuna Ramani naRemueri

Nifai akataurira Ramani naRemueri kuti vatendeuke uye vasapanduke. Akavayeuchidza kuti vakanga vaona ngirozi. Akavataurirawo kuti Mwari vanesimba rekuita zvinhu zvose.

Mufananidzo
Ramani naRemueri vanoda kukanda Nifai mugungwa

Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai uye vaida kumukanda mugungwa.

Mufananidzo
Nifai aina Ramani naRemueri

Apo pavakafamba vakananga kuna Nifai, akavaraira kuti vasamubate nokuti akanga akazadzwa nesimba raMwari. Ramani naRemueri vakatya kwemazuva mazhinji.

Mufananidzo
Ramani naRemueri vachiwira kumashure

Zvino Ishe vakataurira Nifai kuti abate Ramani naRemueri. Apo Nifai paakavabata, Ishe vakavavhundutsa. Ramani naRemueri vakaziva kuti simba raMwari rakanga riina Nifai.

Mufananidzo
Nifai

Nifai akataurira Ramani naRemueri kuti vateerere vabereki vavo uye vateerere Mwari. Nifai akati kana vakaita izvi, vaizoropafadzwa.

Mufananidzo
Ramani naRemueri vachivaka ngarava

Ramani naRemueri vakatendeuka uye vakabatsira Nifai kuvaka ngarava.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Nifai akaenda kugomo nguva zhinji kuno namatira rubatsiro. Ishe vakamudzidzisa mavakirwo engarava.

Mufananidzo
ngarava yakapera

Apo Nifai nemadzikoma ake pavakanga vapedza kuvaka ngarava, vakaziva kuti yakanga iri ngarava yakanaka. Vakatenda Mwari nekuvabatsira.

Dhinda