Chitsauko 9
Musha Mutsva Munyika yeChipikirwa
Vakarima ivhu vakadyara mbeu dzavakanga vauya nadzo.
Apo pavaifamba nemunyika yavo itsva, vakawana marudzi mazhinji emhuka. Vakawanawo goridhe, sirivha nemhangura.
Mwari Vakataurira Nifai kuti agadzire mahwendefa esimbi ekunyorera paari. Nifai akanyora pamusoro pemhuri yake nenzendo dzavo. Akanyorawo mazwi aMwari.
Rihai akachembera Asati afa akataura kuvanakomana vake uye akavaudza kuti vateerere mirairo yaMwari. Akaropafadzawo vazukuru vake.
Mushure mekunge Rihai afa Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai uye vaida kumuuraya. Vakanga vasingade kuti Nifai, munin’ina wavo, ave mutungamiri wavo.
Ishe vakataurira Nifai kuti atungamirire vanhu vakarurama kuenda murenje. Vakafamba kwemazuva akawanda uye pekupedzisira vakamira panyika yavakatumidza kuti Nifai.
Vanhu vakatevera Nifai vaiteerera Mwari. Vaishanda nesimba uye vakaropafadzwa. Nifai akadzidzisa vanhu vake kuvaka nemapango nesimbi. Vakavaka temberi yakanaka.
Vateveri vaRamani naRemueri vaidaidzwa kuti maRamani.
MaRamani havana kuteerera Mwari uye vakabviswa pamberi Pavo. Mweya Mutsvene waIshe wakanga usingakwanisi kuva navo kusvikira vatendeuka.
MaRamani vakanga vazere nemisakanzwa uye vaigara vachirwisa maNifai.