Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Chitsauko 9: Musha Mustva Munyika yeChipikirwa


Chitsauko 9

Musha Mutsva Munyika yeChipikirwa

Mufananidzo
nyika yechipikirwa

Ngarava yakanga yakatakura mhuri yaRihai yakayambuka nyanza uye ikasvika panyika yechipikirwa. Vanhu vakamisa tende dzavo.

Mufananidzo
kudyara mbeu

Vakarima ivhu vakadyara mbeu dzavakanga vauya nadzo.

Mufananidzo
mhuka zhinji

Apo pavaifamba nemunyika yavo itsva, vakawana marudzi mazhinji emhuka. Vakawanawo goridhe, sirivha nemhangura.

Mufananidzo
Nifai achinyora

Mwari Vakataurira Nifai kuti agadzire mahwendefa esimbi ekunyorera paari. Nifai akanyora pamusoro pemhuri yake nenzendo dzavo. Akanyorawo mazwi aMwari.

Mufananidzo
Rihai achitaura kumhuri

Rihai akachembera Asati afa akataura kuvanakomana vake uye akavaudza kuti vateerere mirairo yaMwari. Akaropafadzawo vazukuru vake.

Mufananidzo
Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai

Mushure mekunge Rihai afa Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai uye vaida kumuuraya. Vakanga vasingade kuti Nifai, munin’ina wavo, ave mutungamiri wavo.

Mufananidzo
Nifai nevakarurama vachisumuka kuenda

Ishe vakataurira Nifai kuti atungamirire vanhu vakarurama kuenda murenje. Vakafamba kwemazuva akawanda uye pekupedzisira vakamira panyika yavakatumidza kuti Nifai.

Mufananidzo
vanhu vachitaura

Vanhu vakatevera Nifai vaiteerera Mwari. Vaishanda nesimba uye vakaropafadzwa. Nifai akadzidzisa vanhu vake kuvaka nemapango nesimbi. Vakavaka temberi yakanaka.

Mufananidzo
MaRamani

Vateveri vaRamani naRemueri vaidaidzwa kuti maRamani.

Mufananidzo
MaRamani

MaRamani havana kuteerera Mwari uye vakabviswa pamberi Pavo. Mweya Mutsvene waIshe wakanga usingakwanisi kuva navo kusvikira vatendeuka.

Mufananidzo
MaRamani vachirwisa maNifai

MaRamani vakanga vazere nemisakanzwa uye vaigara vachirwisa maNifai.

Dhinda