Chitsauko 39
Nifai Anotambira Simba Guru
Ishe vakataura kunaNifai vakamurumbidza nekuda kwekuteerera kwake uye nekushanda nesimba kwake achidzidzisa vhangeri.
Nifai akapuwa simba rekuita chese chese. Ishe vaiziva kuti aizoshandisa simba iri zvakarurama.
Ishe vakataurira Nifai kuti ayambire maNifai kuti kana vakasatendeuka, vaizoparadzwa. Nifai akaenda pakarepo kunoyambira vanhu.
MaNifai havana kutenda zvaitaurwa naNifai. Vakaedza kumukanda mutirongo, asi simba raMwari rakamudzivirira.
Nifai akataura shoko raMwari kumaNifai ose.
Asi vanhu vakabva vatonyanya kuipa uye vakatanga kurwisana.
Nifai akanamatira nzara, achitarisira kuti kushaikwa kwezvekudya kwaizoninipisa maNifai nekuvabatsira kuti vatendeuke.
Nzara yakauya Kwakanga kusina mvura, saka pasi pakaoma uye zvirimwa hazvina kukwanisa kukura. Vanhu vakaregera kurwa.
MaNifai vakava nenzara, uye vazhinji vavo vakafa. Avo vakararama vakatanga kuyeuka Ishe uye izvo zvavakanga vadzidziswa naNifai.
Vanhu vakatendeuka kubva muzvivi zvavo uye vakazoteterera vatongi vavo kuti vakumbire Nifai kuti agumise nzara. Vatongi vakaenda kuna Nifai.
Apo Nifai paakaona kuti vanhu vakanga vava vakaninipa uye vakanga vatendeuka, akakumbira Ishe kuti vagumise nzara.
Ishe vakapindura munamato waNifai, uye kukatanga kunaya. Nenguva pfupi zvirimwa zvakanga zvava kukura zvakare. Vanhu vakarumbidza Mwari uye vakaziva kuti Nifai akanga ari muporofita mukuru.
MaNifai mazhinji akapinda muChechi. Vakava vapfumi, uye maguta avo akakura. Munyika makanga mune runyararo
Zvino mamwe maNifai avo vakanga vabatana nemaRamani vakarwisa maNifai.
MaNifai vakaedza kukunda vavengi vavo, avo vakanga vava makororo aGadhiandoni, asi vakatadza nokuti ivo pachavo vakanga vava vanhu vakaipa zvakare.
Apo maNifai pavainge vakarurama, Ishe aivaropafadza. Apo pavainge vane rudado uye vokanganwa Ishe, aivapa matambudziko kuvabatsira kuti vamuyeuke.