Chitsauko17
Aruma neVanhu Vake Vanopukunyuka
MaNifai akatya uye vakamhanyira kuguta kuti vadzivirirwe. Aruma akavataurira kuti varangarire Mwari uye vaizovabatsira. MaNifai vakatangisa kunamata.
Ishe vakapfavisa mwoyo yamaRamani, uye havana kukuvadza maNifai. MaRamani vakange varasika apo pavaiedza kuwana vanhu vaMambo Rimuhai.
MaRamani akavimbisa Aruma kuti havaizonetsa vanhu vake kana akavaudza nzira yekudzokera nayo kunyika yavo. Aruma akavaratidza nzira.
Asi maRamani haana kuchengeta chivimbiso chavo. Vakaisa varindi vachitenderedza nyika, uye Aruma nevanhu vake vakange vasisina kusununguka.
Mambo wemaRamani akaita kuti Amuroni ave mutongi pamusoro pavanhu vaAruma. Amuroni akanga ambove muNifai uye aive mupirisita akaipa waMambo Noa.
Amuroni akaita kuti vanhu vaAruma vashande zvakasimba zvikuru. Vakanamatira rubatsiro, asi Amuroni akati ani nani zvake anenge abatwa achinamata aizourawa. Vanhu vakaramba vachinamata nechemumwoyo yavo.
Mwari vakanzwa minamato yavo uye vakavasimbisa zvokuti basa ravo rakaratidzika serakareruka. Vanhu vakava norufaro uye nemwoyo murefu.
Mwari vakafadzwa nekuti vanhu vaive vakatendeka. Vakataurira Aruma kuti vaizovabatsira kuti vapukunyuke kubva kumaRamani.
Panguva dzeusiku vanhu vakaunganidza zvokudya nezvipfuyo zvavo. Rungwanani rwaitevera Mwari vakaita kuti maRamani vakotsire apo Aruma nevanhu vake pavaibva muguta.
Mushure mekufamba kwemazuva gumi nemaviri, vanhu vakasvika muZarahemura, uko Mambo Mosaya nevanhu vake vakavagashira.