Chitsauko 53
Moronai neDzidziso Dzake
Moronai aiziva kuti nerimwe zuva mahwendefa egoridhe aizobuditswa kubva muvhu.
Mashoko ari pamahwendefa egoridhe anotaura nezva Jesu Kristu. Anopupura nekudzidzisa vanhu kuti vangararame sei zvakarurama.
MaRamani akaipa akauraya maNifai ose akanga asingadi kuramba Jesu Kristu.
Moronai akange asingakwanisi kumbofa akaramba Jesu Kristu. Akatenderera nemunzvimbo, achihwanda kubva kumaRamani.
Moronai akanyora zvimwe zvakawanda pamahwendefa egoridhe, kunyanya kumaRamani emazuva ekupedzisira.
Akanyora zvinhu zvakakosha zvakawanda, kusanganisira manzwi eminamato yesakaramende.
Moronai akanyora kuti vanhu chete vanokwanisa kubhabhatidzwa ndeavo vanoda kutendeuka kubva muzvivi zvavo voshandira Jesu Kristu.
Moronai aida kuti munhu wose atende muna Jesu Kristu nekumuziva. Akati iye chinhu chose chakanaka chinobva kuna Kistu.
Moronai akanyora kuti kana vanhu vachida Mwari nekumutevera, vanokwanisa kuva vakarurama.
Moronai aiziva kuti mushure mekunge afa aizomutswa kuvakafa uye ozogara naBaba Vekudenga naJesu Kristu.