Chitsauko 20
Aruma naNeho
Murume muhombe, akasimba ainzi Neho akatanga kudzidzisa zvemanyepo. Akataura kuti munhu wose aizoponeswa kunyange akanaka kana kuti akaipa. Vanhu vazhinji vakatenda munaNeho
Neho akaparidza achipikisa Chechi yaMwari, asi murume aive akarurama ainzi Gideoni akaidzivirira. Neho akakakavadzana naGideoni, asi Gideoni akataura nemazwi aMwari.
Neho akashatirwa ndokubva azvuva munondo wake uye akauraya Gideoni.
Neho akaendeswa kuna Aruma kuti atongwe. Neho akazvireverera neushingi.
Asi Aruma akataura kuti Neho aive nemhosva nokuti akanga adzidzisa vanhu kuti vave vakaipa uye akanga auraya Gideoni.
Aruma akati Neho aifanira kurangwa nekuda kwekuuraya kwaakaita Gideoni. Maererano nemutemo, Neho aifanira kufa.
Neho akaendeswa kuchikomo chaiva padyo akaurawa. Asati afa akati zvinhu zvose zvaakanga adzidzisa vanhu zvaiva zvisirizvo. Asi vanhu vazhinji vakaramba vachitenda dzidziso dzakaipa dzaNeho.
Vanhu ava vaida upfumi uye vaisateerera mirairo yaMwari. Vaiseka nhengo dzeChechi uye vachikakavadzana nekurwa navo.
Vanhu vakarurama vakaramba vachiteerera mirairo uye havana kunyunyuta kunyange apo vateveri vaNeho pavaivakuvadza.
Nhengo dzeChechi dzaigoverana zvinhu zvose zvavaiva nazvo nevarombo, uye vairiritira vairwara. Vaiteerera mirairo, uye Mwari vakavaropafadza.