Chitsauko 44
Jesu Kristu Anoropafadza Vana
Mufananidzo
Jesu achinamata nevana
Muponesi akaudza vanhu kuti vapfugame pasi. Zvino iye akapfugama uye akanamata kuna Baba Vekudenga.
Mufananidzo
vanhu vachinyemwerera
Munamato weMuponesi wakanga wakanakisisa zvokuti wakanga usingakwanisi kunyorwa. Wakazadza maNifai nemufaro.
Mufananidzo
Jesu achitaura kuvanhu
Mushure memunamato wake Jesu akati maNifai aizoropafadzwa nokuda kwerutendo rwavo.
Mufananidzo
Jesu
Akanzwa rudo nerufaro rukurusa zvokuti akachema.
Mufananidzo
Jesu achiropafadza vana
Zvino akatora vana uye akaropafadza mumwe nemumwe wavo. Akavanamatira kuna Baba Vekudenga uye akachema zvakare
Mufananidzo
Jesu nevana
Jesu akaudza maNifai kuti vatarise kuvana vavo.
Mufananidzo
ngirozi dzakakomberedza vana
Apo vanhu pavakatarisa, ngirozi dzakadzika pasi kubva kudenga uye dzikakomberedza vana. Vana nengirozi vakakomberedzwa nemoto.