Chitsauko 37
Nifai naRihai vari Mutirongo
Hiramani akadzidzisa vanakomana vake kutenda muna Jesu Kristu. Vakadzidza kuti ruregerero runouya kuburikidza nerutendo nerutendeuko.
Nifai naRihai vakaenda kunodzidzisa shoko raMwari kumaNifai nemaRamani. Zviuru zvevanhu zvakabhabhatidzwa.
Apo Nifai naRihai pavakaenda kunyika yaNifai, mauto echiRamani akavakanda mutirongo uye havana kuvapa zvokudya kwemazuva mazhinji.
MaRamani vakaenda kutirongo kunouraya Nifai naRihai asi havana kukwanisa kuvauraya nokuti vakanga vakadzivirirwa nedenderedzwa remoto uyo waizokwanisa kupisa ani zvake aiedza kuvabata.
Nifai naRihai havana kupiswa nemoto. Vakataurira maRamani kuti simba raMwari rakanga riri kuvadzivirira.
Pasi nemadziro etirongo zvakatanga kuzungunuka. Gore dema rakakomberedza vanhu mutirongo uye vakatya.
Izwi raibva pamusoro perima rakataura. Rakanga riri izwi rakanyarara rakaita sezevezeve, asi munhu wese aikwanisa kurinzwa.
Izwi rakataurira vanhu kuti vatendeuke uye varegere kuedza kuuraya Nifai naRihai.
Izwi rakataura katatu, uye pasi nemadziro etirongo zvikaramba zvichizungunuka. MaRamani haana kukwanisa kutiza nokuti kwakanga kwakasviba zvakanyanya uye vaitya zvikuru.
Mumwe muNifai akambenge ari nhengo yeChechi akaona kuti zviso zvaNifai naRihai zvaipenya nemurima.
Nifai naRihai vakanga vakatarisa nechokudenga uye vachitaura. Murume uyu akataurira maRamani kuti vatarise. Vakashama kuti Nifai naRihai vakanga vachitaura kunaani.
Murume uyu, ainzi Aminadabi, akataurira maRamani kuti Nifai naRihai vaitaura kungirozi.
MaRamani akabvunza Aminadabi kuti vangabvisa sei gore dema. Akavataurira kuti vatendeuke uye vanamate kusvikira vava nerutendo muna Jesu Kristu.
MaRamani akanamata kusvikira gore dema rabva.
Apo rima parakabva, vanhu vakaona murazvu wemoto wakavakomberedza. Moto hauna kuvapisa kana kupisa madziro etirongo.
MaRamani vakanzwa mufaro mukuru, uye Mweya waMwari wakazadza mwoyo yavo.
Izwi rakazevezera, richiti vaizonyaradzwa nokuda kwerutendo rwavo muna Jesu Kristu.
MaRamani vakatarisa kumusoro kuti vaone kwakanga kwabva izwi. Vakaona ngirozi dzichidzika pasi kubva kudenga.
Vanhu vangangoita mazana matatu vakaona nokunzwa zvakanga zvaitika mutirongo. Vakaenda vakanotaurira vamwe.
Vazhinji vemaRamani vakabvuma zvavakanga vanzwa uye vakaisa zvombo zvavo pasi.
MaRamani vakarega kuvenga maNifai uye vakadzorera nyika yavakanga vatora. MaRamani vakava vanhu vakanyanya kururama kupinda maNifai
MaRamani mazhinji vakaenda naNifai naRihai uye vakadzidzisa zvese maNifai nemaRamani.