Chitsauko 54
Vimbiso yeBhuku raMormoni
Mufananidzo
mukomana mudiki achiverenga magwaro matsvene
Akaudza vanhu kuti vaverenge magwaro, nekufungisisa pamusoro pawo, uye vagobvunza Baba Vekudenga kana ari echokwadi.
Mufananidzo
mukomana mudiki achinamata
Moronai akavimbisa kuti kana vanhu vakakumbira nemoyo wose, nerutendo muna Kristu, Mweya Mutsvene waizovabatsira kuziva kuti zvinyorwa izvozvo ndezve chokwadi.
Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa
Moronai akanyora kuti kana vanhu vakatendeuka, votevera Jesu Kristu, uye voda Baba Vekudenga,vanokwanisa kuva vakarurama.
Mufananidzo
Moroni achiviga mahwendefa egoridhe
Apo Moroni paakapedza kunyora pamahwendefa egoridhe, akamaviga mubhokisi rematombo muChikomo cheKumora, uye akaviga bhokisi racho pasi peibwe guru. Basa rake pasipano rakange rapera.