Chitsauko 4
Mahwendefa eBhurasi
Mahwendefa ebhurasi aiva zvinyorwa zvakakosha. Aitaura nezve madzitateguru aRihai uye aive nemazwi aMwari akazarurwa kuburikidza nevaporofita.
Ramani naRemueri vakanga vasingade kudzokera kunotora mahwendefa ebhurasi. Vakati zvaizova zvakaoma chaizvo kuita. Vakanga vasina rutendo munaIshe.
Nifai aida kuteerera Ishe. Aiziva kuti Ishe vaizomubatsira iye nemadzikoma ake kuti vatore mahwendefa ebhurasi kubva kuna Rabhani.
Ramani, Remueri, Semu, naNifai vakafamba kudzokera kuJerusarema kunotora mahwendefa ebhurasi.
Ramani akaenda kuna Rabhani akamukumbira mahwendefa.
Rabhani akashatirwa uye akaramba kupa Ramani mahwendefa ebhurasi. Rabhani aida kuuraya Ramani, asi Ramani akatiza.
Ramani akataurira vanin’ina vake zvakanga zvaitika. Aitya uye akange oda kuzvisiya uye kuti vadzokere kuna baba vavo murenje.
Nifai akati havaikwanisa kudzokera vasina mahwendefa ebhurasi. Akataurira madzikoma ake kuti vave nerutendo rwakawedzerwa muna Ishe uye vaizokwanisa kutora mahwendefa ebhurasi.
Nifai nemadzikoma ake vakaenda kuimba yavo yakare muJerusarema vakaunganidza goridhe ravo nesirivha kuti vanochinjanisa nemahwendefa.
Vakaratidza Rabhani upfumi hwavo uye vakamukumbira kuti ivo vamupe upfumi iye agovapa mahwendefa Apo Rabhani paakaona goridhe nesirivha yavo, akazvida kuti zvive zvake uye akavatandira kunze.
Rabhani akataurira varume vake kuti vauraye vanakomana vaRihai. Nifai nemadzikoma ake vakatiza vakahwanda mubako. Rabhani akachengeta goridhe nesirivha zvavo.
Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai. Vakarova Nifai naSemu nechishamhu.
Ngirozi yakazviratidza uye ikataurira Ramani naRamueri kuti varegedze. Yakati Ishe vaizovabatsira kuti vawane mahwendefa. Yakatiwo Nifai aizova mutungamiri pamusoro pemadzikoma ake.
Nifai akataurira madzikoma ake kuti vave nerutendo muna Ishe uye kuti vasatya Rabhani nevarume vake. Nifai akakurudzira madzikoma ake kuti vadzokere kuJerusarema.
Usiku ihwohwo Nifai nemadzikoma ake vakahwanda kunze kwemasvingo eguta apo Nifai paaiverevedza kupinda mukati. Akafamba akananga kumba kwaRabhani.
Apo Nifai paakasvika pedyo neimba yaRabhani, akaona murume akadhakwa akarara pasi. Akanga ari Rabhani.
Nifai akaona munondo waRabhani uye akausumudza. Mweya Mutsvene wakataurira Nifai kuti auraye Rabhani, asi Nifai akanga asingade kumuuraya.
Mweya Mutsvene wakataurira Nifai zvakare kuti auraye Rabhani kuitira kuti Nifai agokwanisa kutora mahwendefa ebhurasi. Mhuri yaRihai yaida mahwendefa kuitira kuti vagokwanisa kudzidza vhangeri.
Nifai akateerera Mweya Mutsvene akauraya Rabhani. Nifai zvino akapfeka mbatya nenguwo dzehondo dzaRabhani.
Nifai akaenda mumba maRabhani akatambirwa naZoramu, muranda waRabhani. Nifai airatidzika uye aitaura nenzwi rakafanana neraRabhani.
Akataurira Zoramu kuti atore mahwendefa ebhurasi. Zoramu akafunga kuti Nifai akanga ari Rabhani, saka akamupa mahwendefa. Nifai akataurira Zoramu kuti amutevere.
Ramani, Remueri, naSemu, vakaona Nifai achiuya vakatya; vakafunga kuti akanga ari Rabhani. Vakatanga kutiza asi vakamira apo Nifai paakadaidzira kwavari.
Zvino Zoramu akaziva kuti Nifai akanga asiri Rabhani, uye akaedza kutiza. Nifai akabata Zoramu akavimbisa kusamukuvadza kana akaenda naNifai murenje.
Zoramu akabvuma Nifai nemadzikoma ake vakatora Zoramu nemahwendefa ebhurasi vakadzokera kuna Rihai naSaria.
Vakapa mahwendefa ebhurasi kuna Rihai. Iye naSaria vakafara kuti vanakomana vavo vakanga vachengetedzwa. Vose vakafara vakatenda Mwari.
Rihai akaverenga mahwendefa ebhurasi. Aitaura nezva Adama naEva uye zveKusikwa kwenyika. Aive nemazwi evaporofita mazhinji.
Rihai naNifai vakafara nokuti vakanga vateerera Ishe uye vakanga vagona kutora mahwendefa ebhurasi.
Mhuri yaRihai yakarongedza mahwendefa ebhurasi kuti vaende nawo parwendo rwavo kuitira kuti vagokwanisa kudzidzisa vana vavo mirairo yakanga yakanyorwa pamahwendefa.