Chitsauko 25
Aroni Anodzidzisa Baba vaMambo Ramonai
Aroni akataurira mambo kuti aive mukoma waAmoni. Mambo ainge achifunga pamusoro petsitsi dzaAmoni uye pamusoro pezvakanga zvataurwa na Amoni kwaari.
Aroni akabvunza mambo kana vaitenda muna Mwari. Mambo akati akanga asina chokwadi , asi akati aizotenda kana Aroni akati Mwari variko. Aroni akavimbisa mambo kuti Mwari vaiva vapenyu.
Aroni akaverengera mambo magwaro matsvene. Akamudzidzisa pamusoro poKusikwa kwepasi, kupunzika kwaAdama, uye nebasa raJesu Kristu.
Mambo akabvunza izvo zvaaifanira kuita kuti ave neMweya Mutsvene uye agova akagadzirira kuzogara naMwari. Mambo aida kuita chipi zvacho, kunyange kusiya umambo hwake.
Aroni akataurira mambo kuti aifanira kutendeuka zvakazara pazvivi zvake . Aifanira kuti anamate uye nekuva nerutendo muna Mwari.
Mambo akanamata kuti agoziva kana Mwari vaivako zvechokwadi. Akati aizoregera zvivi zvake zvose.
Mambo akawira pasi uye akaratidzika seafa. Apo mambokadzi paakamuona, akafunga kuti Aroni nevafambidzani vake vakanga vamuuraya.
Mambokadzi akaraira varanda vake kuti vauraye Aroni nevafambidzani vake, asi varanda vakatya kuzviita. Akavatuma kunotsvaga vamwe vanhu vaizogona kuzviita.
Pasati paungana mhomho yevanhu uye ikazokonzera dambudziko, Aroni akatora ruoko rwamambo uye akamutaurira kuti asimuke. Mambo akasimuika
Mambo akanyaradza mudzimai nevaranda vake avo vakanga vari kutya uye akazovadzidzisa vhangeri. Vose vakatenda muna Jesu Kristu.