Chitsauko 38
Kupondwa kweMutongi Mukuru
Nifai akasuwa kuona huipi hwakawanda kudaro pakati pevanhu.
Rimwe zuva akanga achinamata ari panharire mubindu rake. Bindu rake rakanga riri panzira huru yaienda kunzvimbo yemusika muZarahemura.
Vanhu vaipfuura nemunzira huru vakanzwa Nifai achinamata. Boka guru rakaungana, vachishamisika kuti sei akanga akasuwa kudaro.
Apo Nifai paakaona vanhu, akavaudza kuti akanga akasuwa nokuda kwehuipi hwavo. Akavaudza kuti vatendeuke.
Akavayambira kuti kana vakasatendeuka, vavengi vavo vaizotora dzimba dzavo nemaguta avo uye Ishe havaizovabatsira kurwisa vavengi vavo.
Nifai akati maNifai akanga akaipa kupfuura maRamani nokuda kwekuti maNifai akanga adzidziswa mirairo asi akanga asingaiteereri.
Akati kana maNifai vakasatendeuka, vaizoparadzwa.
Vamwe vevatongi vakaipa vaivapo. Vaida kuti vanhu varange Nifai nokuda kwekutaura achivapikisa ivo nemitemo yavo
Vamwe vevanhu vakabvumirana nevatongi vakaipa. Vamwe vakatenda zvaitaurwa naNifai, vaiziva kuti akanga ari muporofita uye kuti aitaura chokwadi.
Nifai akataurira vanhu kuti vakanga vapandukira Mwari uye nechinguva chipfupi vaizorangwa kana vakasatendeuka.
Nifai akataurira vanhu kuti vaende vanotsvaga mutongi mukuru wavo. Aizenge akarara muropa rake, apondwa nemunin’ina uyo aida chinzvimbo chake
Varume vashanu kubva mumhomho vakamhanya kunoona mutongi mukuru. Havana kutenda kuti Nifai aiva muporofita waMwari.
Pavakaona Sizoramu, mutongi mukuru, arere muropa rake, vakawira pasi nekutya. Zvino vakanga voziva kuti Nifai aiva muporifita.
Varanda vaSizoramu vakanga vatowana mutongi mukuru uye vakanga vamhanya kunotaurira vanhu. Vakadzoka uye vakawana varume vashanu vakararapo.
Vanhu vakafunga kuti varume vashanu ava vakanga vaponda Sizoramu.
Vakakanda varume vashanu ava mutirongo uye vakatuma shoko nemuguta rose kuti mutongi mukuru akanga aurawa uye kuti mhondi dzacho dzakanga dziri mutirongo.
Zuva rakatevera vanhu vakaenda kwaizovigwa mutongi mukuru. Vatongi vakanga vari pabindu raNifai vakabvunza kuti varume vashanu vakanga vari kupi.
Vatongi vakakumbira kuona varume vakanga vanzi ndivo mhondi.
Varume vakanga vanzi imhondi vaiva varume vashanu avo vakanga vamhanya kubva mubindu raNifai kuenda kwaiva nemutongi mukuru.
Varume vashanu vakati vakanga vawana mutongi mukuru akarara muropa, sezvakanga zvataurwa naNifai. Zvino vatongi vakapomera Nifai mhosva yekutuma mumwe munhu kunoponda Sizoramu.
Vachiziva kuti Nifai aiva muporofita, varume vashanu ava vakakakavadzana nevatongi, asi vatongi vakaramba kuteerera. Vakaita kuti Nifai asungwe.
Vatongi vakati vaizopa Nifai mari uye upenyu hwake kana akataura kuti akanga arangana nemumwe kuuraya mutongi mukuru.
Nifai akataurira vatongi kuti vatendeuke kubva muhuipi hwavo. Zvino akavataurira kuti vaende kuna Seandamu, munin’ina waSizoramu.
Nifai akavataurira kuti vabvunze Seandamu kana iye naNifai vakanga varangana kuponda Sizoramu. Nifai akati Seandumu aizoti “kwete”
Zvino vatongi vakanga vachifanira kubvunza Seandamu kana akanga auraya mukoma wake. Seandamu zvakare aizoti “kwete,” asi vatongi vaizowana ropa panhumbi yake.
Nifai akati Seandamu zvino aizodedera uye uso hwake huchacheneruka uye achareurura kuti akauraya mukoma wake.
Vatongi vakaenda kumba kwaSeandamu, uye zvose zvakaitika sekutaura kwakanga kwaita Nifai kuti zvichaitika. Nifai nevarume vashanu vakasunungurwa.
Apo vanhu pavaifamba vachibva pana Nifai, vamwe vakati aiva muporofita; vamwe vakati akanga ari mwari. Nifai akaenda kumba achakasuwa pamusoro pehuipi hwavo.