Chitsauko 10
Jakobho naSheremu
Nifai akataurira Jakobho kuti anyore zvinhu izvo zvaizobatsira vanhu kutenda muna Jesu Kristu.
Nifai akapa Jakobho simba rekuti ave mupirisita muChechi uye kuti adzidzise maNifai shoko raMwari.
Mushure mekunge Nifai afa maNifai mazhinji akava akaipa. Jakobho akadzidzisa vanhu uye akavataurira kuti vatendeuke pazvinhu zvakaipa zvavakanga vachiita.
Murume akaipa ainzi Sheremu akaenda pakati pemaNifai, achivadzidzisa kuti vasatende muna Jesu Kristu.
Sheremu akataurira vanhu kuti kwaisazova naKristu. Vanhu vazhinji vakabvuma zvakataurwa naSheremu.
Jakobho akadzidzisa vanhu kuti vatende munaKristu. Sheremu aida kukakavadzana naJakobho uye kumupwisa kuti kwaisazova naKristu.
Rutendo rwaJakobho munaJesu Kristu haruna kukwanisa kuzungunutswa. Akanga aona ngirozi uye akanga anzwa izwi raIshe. Aiziva kuti Jesu akanga achizouya.
Mweya Mutsvene wakanga uina Jakobho apo paaipa uchapupu hwaJesu Kristu kuna Sheremu.
Sheremu akakumbira kuona chiratidzo. Aida kuti Jakobho aratidze kuti kuna Mwari. Aida kuona chishamiso.
Jakobho akaramba kukumbira Mwari chiratidzo. Akati Sheremu aiziva nekare kuti izvo zvakadzidziswa naJakobho zvaiva zvechokwadi.
Jakobho akati kana Mwari vakarova Sheremu, ndicho chaizova chiratidzo chesimba raMwari.
Sheremu akawira pasi pakarepo. Haana kukwanisa kusimuka kwemazuva mazhinji.
Sheremu akarukutika uye akaziva kuti akanga achizofa. Akadaidza vanhu pamwechete.
Akavataurira kuti akanga anyepa. Akati vanofanira kutenda muna Jesu Kristu.
Mushure mekunge Sheremu apedza kutaura kuvanhu, akafa. Vanhu vakanzwa simba raMwari, uye vakawira pasi.
Vanhu vakatanga kutendeuka uye vachiverenga magwaro matsvene. Vakagara murunyararo nerudo. Jakobho akafara uye akaziva kuti Mwari vakanga vapindura minamato yake.