Chitsauko 3
Rihai Anobva muJerusarema
Mhuri yaRihai yakarongedza zvekudya nematende. Vakasiya imba yavo uye negoridhe ravo nesirivha yavo vakafamba kuenda murenje.
Rihai nemudzimai wake, Saria, vaive nevanakomana vana. Mazita avo ainzi Ramani, Remueri, Semu, naNifai.
Mushure mekufamba kwemazuva matatu, mhuri yaRihai yakaita musasa munhika padyo nerwizi.
Rihai akavaka atari nematombo uye akaita mupiro kuna Mwari. Akatenda Mwari nekuchengetedza mhuri yake kubva mukuparadzwa.
Rihai akatumidza rwizi kuti Ramani uye nhika kuti Remueri. Rihai aida kuti vanakomana vake vave serwizi nenhika, kuti varambe vachierera kuenda kuna Mwari uye vakashinga pakuchengeta mirairo.
Ramani naRemueri vakafunga kuti baba vavo vakanga varibenzi kusiya Jerusarema nehupfumi hwavo. Vakanga vasingatende kuti Jerusarema raizoparadzwa.
Nifai aida kunzwisisa zvinhu zvakanga zvaonekwa naRihai. Akanamata kuti azive kana baba vake vakanga vaita chinhu chakanaka nekubva muJerusarema.
Jesu Kristu akashanyira Nifai uye akamuudza kuti mazwi aRihai akanga ari echokwadi. Nifai akatenda uye haana kupanduka sezvakaitwa naRamani naRemueri.
Nifai akataurira madzikoma ake izvo zvaakanga ataurirwa naJesu. Semu akatenda zvakataurwa naNifai, asi Ramani naRemueri havana kuzvitenda.
Ishe vakavimbisa Nifai kuti aizoropafadzwa nokuda kwerutendo rwake. Aizova mutungamiri pamusoro pemadzikoma ake.