Chitsauko 24
Amoni Anosangana naBaba vaMambo Ramonai
Ishe vakataurira Amoni kuti kunze kwekuendako aende kunyika yeMidhoni uko mukoma wake Aroni kwaaive mutirongo. Mambo Ramonai vakaenda naAmoni.
Apo pavaiva parwendo vakasangana nababa vaMambo Ramonai, avo vaive mambo pamusoro penyika yose. Akabvunza Ramonai kuti aienda kupi nemuNifai ainyepa.
Mambo Ramonai akataurira baba vake pamusoro paAmoni nemukoma wake aive mutirongo. Nokushatirirwa, baba vaRamonai vakaraira Ramonai kuti auraye Amoni uye asaenda kuMidhoni.
Ramonai akaramba kuuraya Amoni uye akati iye naAmoni vaizonosunungura Aroni. Baba vaRamonai vakashatirwa zvakanyanya uye vakaburitsa munondo wavo kuti vauraye Ramonai.
Amoni akanomira mberi kuti adzivirire Ramoni. Baba vaRamonai zvino vakaedza kuuraya Amoni, asi akazvidzivirira uye akakuvadza ruoko rwababa vaRamonai.
Zvino baba vaRamonai zvavakaona kuti Amoni angangovauraya, vakati vaizokamura umambo hwavo nepakati uye vopa Amoni chimwe chikamu chacho kana akasamuuraya.
Amoni akati aida kuti Aroni nevafambidzani vake vasunungurwe kubva mutirongo uye aida kuti Ramonai akwanise kuchengeta umambo hwake.
Baba vaRamonai vakaona kuti Amoni akange asingadi kuvakuvadza. Vakashamiswa nemadiro aiita Amoni mwanakomana wake. Vakakoka Amoni kuti avadzidzise vhangeri.
Amoni naMambo Ramonai vakaenda kuMidhoni. Ramonai akataura namambo ikoko, uye Aroni nevafambidzani vake vakasunungurwa kubva mutirongo.
Amoni akasuwa kuona mabatirwo asina kunaka avakanga vaitwa. Vakanga vatambudzwa zvikuru asi vaive vakatirira.