Chitsauko 49
Mormoni neDzidziso Dzake
Pekupedzisira vanhu vose vakave vakaipa,zvese maNifai nemaRamani.
Murume akarurama , Amaroni aive nezvinyorwa zvinoera. Mweya Mutsvene wakamutaurira kuti azvivige kuti zvigochengeteka.
Amaroni akaudza Mormoni, mukomana aive nemakore gumi, paive pakavigwa zvinyorwa. Amaroni aiziva kuti aikwanisa kuvimba naMormoni
Paakange ave nemakore makumi maviri nemana, Mormoni aifanira kutora mahwendefa aNifai kuti anyore paari nezvevanhu vake.
Apo Mormoni paaive nemakore gumi nerimwe, hondo yakatanga pakati pemaNifai nemaRamani. MaNifai akakunda, uye pakava nerunyararo zvakare.
Asi MaNifai akanga akaipa zvokuti Ishe vakatora vadzidzi vatatu, izvi zvikakonzera kupera kwezvishamiso nekuporeswa. Mweya Mutsvene wakange usisatungamiriri vanhu.
Apo Mormoni paaive nemakore gumi nemashanu Jesu Kristu akamushanyira. Mormoni akadzidza zvakawanda pamusoro peMuponesi nekunaka kwake.
Mormoni aida kuparidza kuvanhu, asi Jesu akamuudza kuti aregedze nekuti vanhu vacho vakanga vakaipa zvakakomba. Mwoyo yavo yaive yakafuratira Mwari.
Nenguva pfupi imwe hondo yakatanga. Mormoni aive nemhumhu wakakura uye akasimba, uye maNifai vakamusarudza kuti atungamirire mauto avo.
MaNifai akarwisana nemaRamani kwemakore mazhinji. Mormoni anoedza kukurudzira vanhu vake kuti varwire mhuri dzavo nedzimba dzavo.
MaNifai vakange vaipa, zvekuti Ishe aive asisakwanisa kuvabatsira.
Mormoni akataurira maNifai kuti vaizoponeswa chete kana vakatendeuka nekubhabhatidzwa. Asi vanhu vakaramba.
Vaizvitutumadza pamusoro pesimba ravo, vachiti vaizouraya maRamani ose. Nekuda kwehuipi hwemaNifai, Mormoni akaramba kuva mutungamiriri wavo.
MaRamani vakatanga kukunda maNifai muhondo yega yega. Mormoni akasarudza kutungamirira mauto echiNifai zvakare.
Aiziva kuti maNifai akaipa haaizokunda muhondo Havana kutendeuka kana kunamata kuti vawane rubatsiro rwavaida.
Mormoni akatora zvinyorwa zvose kubva muchikomo mazvainge zvakavigwa naAmaroni ndokunyorera kuvanhu vaizozviverenga nerimwe rezuva.
Aida kuti vanhu vose, kusanganisira maJudha kuti vazive nezva Jesu Kristu, kuti vatendeuke nokubhabhatidzwa, uye kuti vararame vhangeri vagoropafadzwa.
Mweya wakafemera Mormoni kuti aise mahwendefa madiki aNifai, aive aine huporofita hwekuuya kwaKristu pamwepo nemahwendefa aMormoni.
Mormoni akatungamira maNifai kunyika yeKumora, uko kwavakandogadzirira kurwisa maRamani zvakare.
Mormoni ainge ave kukwegura. Aiziva kuti iyi yaizove hondo yekupedzisira. Akanga asingadi kuti maRamani azowana zvinyorwa zvinoera uye nokuzviparadza.
Naizvozvo akapa mahwendefa aMomoni kune mwanakomana wake Moronai, uye akanoviga mamwe mahwendefa ose muChikomo cheKumora.
MaRamani vakarwisa vakauraya maNifai ose kusara kwemakumi maviri nemana. Mormoni aive akuvadzwa.
Mormoni akasuruvara nekuti maNifai mazhinji akange afa, asi aiziva kuti vakanga vafa nekuda kwekuti vakanga varamba Jesu.
Mormoni akanga aedza kudzidzisa maNifai chokwadi. Akanga avataurira makoshero akanga akaita kutenda muna Jesu Kristu.
Akanga aedza kuvadzidzisa kuti vave netariro kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu, nekuti vave nerudo rusina magumo, urwo runove rudo rutsvene rwaKristu.
Uye Mormoni akanga anyora tsamba kune mwanakomana wake, Moronai, uyo aive adzidzisawo vhangeri kumaNifai.
Mormoni akanyora nezvehuipi hwakadzama hwemaNifai. Akaudza Moronai kuti agare akavimbika munaJesu Kristu.
MaRamani vakauraya Mormoni nemaNifai ose kunze kwaMoronai, uyo akapedzisa kunyora zvinyorwa.