Chitsauko 36
Hagoti
Mufananidzo
Hagoti achivaka ngarava huru
Mumwe wavo, murume ainzi Hagoti, akavaka ngarava huru uye akaiisa mugungwa rekumadokero.
Mufananidzo
MaNifai vachiisa zvinhu mungarava huru
MaNifai mazhinji vakatora zvekudya nezvekushandisa uye vakapinda parwendo vari mungarava vakananga kuchamhembe
Mufananidzo
igwa riri pamvura
Hagoti zvino akavaka dzimwe ngarava idzo dzakatakura vanhu kuenda kunyika yaive nechekuchamhembe. Ngarava yekutanga yakadzoka uye ikatakura vamwe vanhu vakawanda.
Mufananidzo
ngarava mbiri pamvura
Imwezve ngarava yakaendawo parwendo. Hapana yengarava idzi yakadzoka, uye maNifai havana kumbofa vakaziva kuti chii chakaitika kuvanhu ava.