Chitsauko 48
Runyararo muAmerica
Vanhu vakatendeuka kubva kuzvivi zvavo vakabhabhatidzwa uye vakatambira Mweya Mutsvene.
Nenguva pfupi maNifai nemaRamani vose vakateundeutswa. Vakanga vasingakakavadzani uye munhu wose akanga akatendeka.
Hapana akanga akapfuma kana akanga ari murombo. Vanhu vaigoverana zvinhu zvose, uye vose vakanga vaine zvavaida.
Vadzidzi vakaita zvishamiso zvizhinji nemuzita raJesu Kristu Vakaporesa varwere uye vakamutsa vakafa.
Vanhu vakavaka maguta matsva apo pakanga paparadzwa mamwe.
Vaiteerera mirairo yaMwari. Vaiatsanya nekunamata uye vaisangana pamwechete kakawanda kuti vanzwe shoko raMwari.
Vanhu vaifara
Kwakanga kusina mbavha, kusina vanyepi, kusina mhondi. Vanhu vakanga vasisina kuparadzana kuita maNifai nemaRamani asi vakanga vava vanhu vamwechete, vana vaKristu.
Ishe vakaropafadza vanhu muzvinhu zvese zvavaiita.
Vakagara murunyararo kwemakore mazana maviri. Vanhu vakapfuma zvikuru.