Chitsauko 13
Zenifi
Vakawana maRamani achigaramo. Zenifi nevana vevarume vake vakaenda muguta kunotaura naMambo. Vakakumbira Mambo Ramani kana vaikwanisa kugara munyika make.
Mambo Ramani akati vaikwanisa kuva nemaviri emaguta ake. Mambo aida kuti vagare munyika make kuitira kuti agokwanisa kuvaita nhapwa dzake.
Vanhu vaZenifi vakavaka misha uye vakagadzira masvingo akakomberedza maguta avo. Vakadyara marudzi akawanda emhodzi nemichero. Uyewo vaive nematanga ezvipfuyo.
Mambo Ramani akataurira vanhu vake kuti maNifai akanga avakuve nesimba rakawandisa. Nenguva pfupi maRamani mazhinji akaenda kunorwisa maNifai nekuba zvipfuyo nezvirimwa zvavo.
MaNifai akatizira kuguta reNifai. Ikoko Zenifi akapa vanhu uta nemiseve, minondo, nduni, nezvimviimvii. Vakaenda kunorwisa maRamani.
Vasati varwa, maNifai akanamata, achikumbira Mwari rubatsiro. Mwari vakaropafadza maNifai nesimba rakawedzerwa, uye vakakurira maRamani.
Mushure mehondo Zenifi akaisa varindi vakakomberedza maguta emaNifai. Aida kudzivirira vanhu vake nezvipfuyo zvavo kubva kumaRamani.
MaNifai akagara murunyararo kwemakore mazhinji. Varume vaishanda muminda, uye vakadzi vaikosa shinda vachigadzira mbatya.
Mambo Ramani akafa uye mwanakomana wake akava mambo. Mambo mutsva akatumira mauto ake kunorwisa maNifai.
MaNifai zvakare akatambira simba kubva kuna Ishe. Vakauraya maRamani akawanda, uye mamwe ose akatiza.