Chitsauko 41
Zviratidzo zveKuzvarwa kwaKristu
MaNifai akaona zviratidzo nezvishamiso izvo zvakanga zvanzi nevaporofita zvaizoitika Jesu Kristu asati azvarwa.
Asi mamwe maNifai akati nguva yekuzvarwa kwaJesu yakanga yatopfuura. Vakaseka avo vakanga vachiri kutenda huporofita hwaSamueri muRamani.
Vanhu vaitenda muna Jesu Kristu uye muvaporofita vakasuwa vachifunga kuti chimwe chinhu chingangodzivirira kuti huporofita huzadzikiswe.
Vanhu vakatarisira nerutendo kuusiku hwaizenge hwusina rima, icho chaizova chiratidzo chokuti Jesu Kristu aizozvarwa.
Avo vakanga vasingatendi muna Jesu Kristu vakasarudza zuva rekuuraya vatendi kana chiratidzo chikasaitika.
Nifai akasuwa nokuda kweuyipi hweavo vakanga vasingatendi mune Muponesi.
Nifai akanamatira zuva rose vanhu avo vaizourawa.
Ishe vakanyaradza Nifai uye vakamutaurira kuti kwakanga kusingazosvibi usiku ihwohwo. Jesu aizozvara pazuva raitevera muBetrehema
Husiku ihwohwo zuva rakadoka, asi kunze hakuna kusviba. Chiratidzo chekuzvarwa kwaJesu Kristu chakanga chauya. Vanhu vakashamiswa.
Avo vakanga varonga kuuraya vatendi vakawira pasi uye vakaratidzika sekunge vakanga vafa.
Vaitya nekuti vakanga vari vanhu vakaipa. Zvino vakaziva kuti Muponesi aizozvarwa uye kuti vaporofita vakanga vataura chokwadi.
Kwakaramba kwakachena usiku hwese. Apo zuva parakabuda magwanani akatevera, vanhu vakaziva kuti Jesu Kristu aizozvarwa zuva iroro. Huporofita hwakanga hwazadzikiswa.
Nyeredzi itsva yakabuda mudenga, sekutaura kwakanga kwaita vaporofita kuti zvichaitika.
Satani akaedza kuita kuti vanhu vasatenda zviratidzo zvavakanga vaona, asi vazhinji vakatenda.
Nifai nevamwe vatungamiri veChechi vakabhabhatidza avo vose vakatenda uye vakatendeuka.
Kwakava nemufaro munyika nokuti manzwi evaporofita akanga azadzikiswa. Jesu Kristu akanga azvarwa.