Chitsauko 34
Hiramani neMajaya eVarwi Zviuru Zviviri
Apo vavengi vevanhu vaAmoni pavakarwisa maNifai, vanhu vaAmoni vakada kutyora vimbiso yavo uye vobatsira maNifai kurwa.
Hiramani nevamwe vatungamiri vechiNifai vakanga vasingadi kuti vanhu vaAmoni vatyore vimbiso yavo kuna Mwari.
Vanakomana vechidiki vevanhu vaAmoni vakanga vasina kuita vimbiso iyi. Vaida kubatsira mauto echiNifai kurwira rusununguko.
Zviuru zviviri zvemajaya echidiki aya zvakasarudza kudzivirira nyika yavo. Vakakumbira Hiramani kuti ave mutungamiri wavo.
Majaya echidiki aya akanga akashinga, vasingatye, uye vakasimba. Vaivawo vari pachokwadi uye vakavimbika, uye vaichengeta mirairo yaMwari.
Hiramani akatungamirira varwi vake vechijaya zviuru zviviri kuenda kuhondo. Aivadaidza kuti vanakomana vake, uye ivo vaimudaidza kuti baba vavo.
Kunyangwe zvavo vanakomana vaHiramani vakanga vasina kumborwa, vakanga vasingatye. Vana amai vavo vakanga vavadzidzisa kuva nerutendo muna Mwari uye kuziva kuti vaizovabatsira.
Hiramani nemauto ake vakarwisa maRamani muhondo dzakati wandei. Majaya echidiki aya akateerera rairo dzaHiramani dzose.
Vakarwa neushingi uye vakabatsira kudzingira muvengi kure. Mushure mehondo Hiramani akaona kuti vanakomana vake vose vakanga vakuvadzwa asi hapana kana mumwechete akanga auraiwa.
Chaiva chishamiso Hiramani akafara zvikuru. Aiziva kuti majaya echidiki aya akanga adzivirirwa nokuda kwerutendo rwavo rukuru muna Mwari.