Chitsauko 11
Enosi
Rimwe zuva Enosi akanga achivhima musango. Akafunga pamusoro pedzidziso dzababa vake uye aida kuregererwa zvivi zvake.
Enosi akapfugama uye akanamata kuna Mwari. Akanamata zuva rose uye akanga achiri kunamata apo usiku pahwakasvika.
Mwari Vakataurira Enosi kuti nokuda kwerutendo rwake muna Jesu Kristu, zvivi zvake zvakaregererwa.
Enosi zvino aida kuti Ishe varopafadze maNifai. Akavanamatira, uye Ishe vakati vaizovaropafadza kana vakateerera mirairo yavo.
Enosi aidawo kuti Ishe varopafadze maRamani. Akanamata nerutendo rukuru, uye Ishe vakavimbisa kuita izvo zvavakakumbirwa naEnosi.
Kunyange zvazvo maRamani akarwisa maNifai uye vakaedza kuparadza zvinyorwa zvavo, Enosi akanamata kuti vaizova vanhu vakarurama.
Akanamata kuti zvinyorwa zvaakanga achengeta zvaizochengetedzwa. Ishe vakavimbisa kuti nerimwe zuva vaizopa maRamani dzidziso dzaiva pazvinyorwa izvi.
Enosi akaparidza kumaNifai. Aida kuti vatende muna Mwari uye vachengete mirairo.
MaNifai vakaedza kudzidzisa vhangeri kumaRamani, asi havana kumboteerera. MaRamani akavenga maNifai.
Enosi akapedza upenyu hwake achidzidzisa vanhu pamusoro paJesu nevhangeri. Akashandira Mwari uye aivada mazuva ake ose.