Chitsauko 47
Jesu Kristu Anoropafadza Vadzidzi Vake
Vadzidzi vakamubvunza zita ravaifanira kudaidza naro Chechi. Jesu akati inofanira kudaidzwa nezita rake nokuti yakanga iri Chechi yake.
Jesu akatsanangura kuvadzidzi vake kuti Baba Vokudenga vakanga vamutuma pasi kuzopira upenyu hwake kuvanhu vose.
Akati munhu wese anotendeuka, obhabhatidzwa muzita rake, uye oteerera kumirairo yake anozoitwa munhu asina mhosva pamberi paBaba Vekudenga.
Muponesi akataurira vadzidzi vake kuti vaite zvinhu zvavakanga vamuona achiita. Akanga amisa muenzaniso kwavari.
Akavataurirawo kuti vanyore pasi izvo zvavakanga vaona nekunzwa kuitira kuti vamwe vagokwanisa kuziva pamusoro pazvo.
Jesu akabvunza vadzidzi vake zvavaida kubva kwaari. Vapfumbamwe vavo vaida kuva naye mushure mekunge hupenyu hwavo hwepasi hwaguma.
Jesu akavavimbisa kuti apo pavanenge vava nemakore makumi manonwe nemaviri, vaizoenda kwaari kudenga.
Vamwe vadzidzi vatatu vakatya kukumbira zvavaida, asi Jesu aiziva. Vaida kuramba vari panyika nekudzidzisa vhangeri kusvikira Jesu auya zvakare.
Muponesi akavavimbisa kuti havaizotambura nemarwadzo kana nekusuwa uye havaizofa. Vaizodzidzisa vanhu vhangeri kusvikira adzoka.
Jesu akabata mumwe nemumwe wevadzidzi kusara kwevatatu avo vaizoramba vari panyika. Zvino akabva aenda
Vadzidzi vatatu vakatorwa kuenda kudenga, uko kwavakaona nokunzwa zvinhu zvizhinji zvinoshamisa. Vakanga vava kukwanisa kunyatsonzwisisa zvinhu zvaMwari.
Miviri yavo yakashandurwa kuitira kuti vasazofa.
Vadzidzi vatatu vakadzoka panyika uye vakatanga kuparidza nokubhabhatidza.
MaNifai akaipa akakanda vadzidzi vatatu ava mutirongo uye mumakomba akadzika, asi simba raMwari rakavabatsira kupukunyuka.
Apo pavakasundirwa mumabisiro uye mumakomba aiva nemhuka dzemusango, vakadzivirirwawo nesimba raMwari.
Vadzidzi vatatu vakaramba vachiparidza vhangeri raJesu Kristu kumaNifai. Vachiri kuparidza vhangeri rake.