Chitsauko 14
Abhinadhai naMambo Noa
Noa akanga asiri mambo akanaka sababa vake. Akanga akaipa uye aiva asingateerere mirairo yaMwari.
Akamanikidza vanhu vake kuti vamupe chikamu chezvirimwa, mhuka, goridhe, nesirivha zvavo.
Mambo Noa aiita izvi nokuti aiva nenungo. Akaita kuti maNifai amupe zvose zvaaida kuti ararame.
Akachinjanisa mapirisita akanaka akanga adaidzwa nababa vake neakaipa. Mapirisita akaipa akadzidzisa vanhu kutadza.
Mambo Noa akavakisa zvivako zvakanaka zvizhinji, kusanganisira muzinda mukuru waive nechigaro chekutonga. Zvivako zvacho zvakanga zvakashongedzwa negoridhe, sirivha, nezvivezwa zvematanda zvinodhura.
Mambo Noa aida upfumi hwaakatora kubva kuvanhu vake. Iye nemapirisita ake vaipedza nguva yavo vachinwa waini uye vachiita zvakaipa.
Mwari vakatuma muporofita anonzi Abhinadhai kuvanhu vaNoa. Abhinadhai akavayambira kuti kana vakasatendeuka, vaizova nhapwa dzemaRamani.
Apo Mambo Noa paakanzwa izvo zvakanga zvataurwa naAbhinadhai, akashatirwa. Akatuma varume kuti vaunze Abhinadhai kumuzinda kuitira kuti agomuuraya.
Abhinadhai akaendeswa kuna mambo. Mambo Noa nemapirisita ake vakamubvunza mibvunzo yakawanda. Vakaedza kumunyengedza kuti ataure chimwe chinhu chisiriicho.
Abhinadhai akange asingatye kupindura mibvunzo yavo. Aiziva kuti Mwari vaizomubatsira. Mapirisita akashamiswa nemhinduro dzaAbhinadhai.
Mambo Noa akashatirwa uye akaraira mapirisita ake kuti auraye Abhinadhai. Abhinadhai akati kana vakamubata, Mwari vaizovauraya.
Mweya Mutsvene wakadzivirira Abhinadhai kuitira kuti agopedza kutaura izvo zvaidiwa naIshe kuti ataure. Chiso chaAbhinadhai chaipenya Mapirisita akatya kumubata.
Achitaura nesimba kubva kuna Mwari, Abhinadhai akataurira vanhu nezve huipi hwavo. Akaverenga mirairo yaMwari kwavari.
Akavataurira kuti Jesu Kristu aizozvarwa panyika. Jesu aizoita kuti zvikwanisike kuti vanhu vatendeuke, vamutswe kuvakafa, uye vagogara naMwari.
Abhinadhai akataurira vanhu kuti vatendeuke uye vatende muna Jesu Kristu kana kuti havaizoponeswa.
Mambo Noa nevamwe vese kunze kwemumwechete wemapirisita ake vakaramba kubvuma zvaitaurwa naAbhinadhai. Noa akataurira mapirisita ake kuti auraye Abhinadhai. Vakamusunga vakamukanda mutirongo.
Mupirisita mumwechete akabvuma zvaitaurwa naAbhinadhai ainzi Aruma. Akakumbira Mambo Noa kuti arege Abhinadhai aende.
Mambo akashatirirwa Aruma uye akaita kuti adzingirwe kunze. Zvino akatuma varanda vake kuti vamuuraye. Aruma akatiza akanohwanda, uye varanda havana kumbomuwana.
Mushure mekupedza mazuva matatu ari mutirongo, Abhinadhai akaunzwa zvakare pamberi paMambo Noa. Mambo akataurira Abhinadhai kuti arambe izvo zvaakanga ataura pamusoro pake nevanhu vake.
Mambo Noa akataurira Abhinadhai kuti kana akasaramba zvese zvaakanga ataura, aizouraiwa.
Abhinadhai aiziva kuti akanga ataura chokwadi. Akazvipira kufa pane kuti arambe izvo Mwari zvavakanga vamutuma kuti ataure.
Mambo Noa akaraira mapirisita ake kuti vauraye Abhinadhai. Vakamusunga, vakamurova nechamboko, uye vakamupisa kusvikira afa. Asati afa, Abhinadhai akati Mambo Noa aizofawo nemoto.
Vamwe vemaNifai vaipikisa Mambo Noa uye vakaedza kumuuraya. Mauto echiRamani akauyawo kuzorwisa mambo nevateveri vake.
Mambo nevateveri vake vakatiza kubva kumaRamani, asi maRamani akavabata uye akatanga kuvauraya. Mambo akataurira varume vake kuti vasiye mhuri dzavo uye varambe vachimhanya.
Vazhinji vevarume havana kubva. Vakabatwa nemaRamani.
Varume vazhinji vakanga vatiza naMambo Noa vakava neurombo. Vaida kudzokera kuti vanobatsira madzimai nevana vavo nevanhu vavo.
Mambo Noa akanga asingade kuti varume ava vadzokere kumhuri dzavo. Akavaraira kuti vagare naye.
Varume vakashatirirwa Mambo Noa. Vakamupisa kusvika afa, sezvakanga zvaporofitwa naAbhinadhai. Zvino vakazodzokera kumhuri dzavo.