Chitsauko 16
Mambo Rimuhai neVanhu Vake Vanopukunyuka
MaNifai vakaita kuti Rimuhai ave mambo wavo mutsva. Rimuhai aive mwanakomana waMambo Noa, asi akanga asina kuipa sababa vake. Akanga ari murume akanaka.
Mambo Rimuhai akaedza kuitarunyararo nemaRamani, asi vakaramba vachirinda maNifai uye vachivaitira hutsinye.
Rimwe zuva Mambo Rimuhai akona vamwe vabvakure kunze kweguta. Akaita kuti vaiswe mutirongo. Vabvakure ava vaive maNifai vaibva kuZarahemura.
Mutungamiri wavo ainzi Amoni. Mambo Rimuhai akafara nekumuona. Akaziva kuti Amoni aikwanisa kubatsira vanhu vake kutiza kubva kumaRamani.
Mambo Rimuhai akadaidza vanhu vavo pamwechete. Akavayeuchidza kuti huipi hwavo ndihwo hwaiva chikonzero chekuva kwavo mukubatwa nemaRamani.
Akataurira vanhu vake kuti vatendeuke, vavimbe naMwari, uye vateerere mirairo. Zvino Mwari vaizovabatsira kuti vapukunyuke.
MaNifai vakaziva kuti maRamani vairinda guta vaidhakwa usiku.
Usiku ihwoyo mambo Rimuhai akatumira imwe waini yakawanda kuvarindi sechipo.
Mambo Rimuhai nevanhu vake vakakwanisa kufamba vachipfuura nepaiva nevarindi vemaRamani vainge vakadhakwa uye ndokutiza.
Amoni akatungamirira Mambo Rimuhai nevanhu vake nemurenje kuenda kuZarahemura, uko kwavakagashirwa.