Chitsauko 29
Aruma Anodzidzisa pamusoro peRutendo neShoko raMwari
Mufananidzo
Aruma achiparidza
Aruma akati rutendo kubvuma kuti chimwe chinhu ndechechokwadi kunyange usipo kuti uchione.
Mufananidzo
ruoko ruchidyara mbeu
Akatsanangura kuti rutendo runokura apo munhu paanoda kutenda uye oteerera kushoko raMwari. Shoko zvino rinobva radyarwa mumwoyo wemunhu, uye sembeu rinobva ratanga kukura.
Mufananidzo
murume nemukadzi vachitarisa kumuti
Apo munhu paanodzidza zvakawanda pamusoro pevhangeri, mbeu inotungira uye inoramba ichikura. Munhu anobva aziva kuti mbeu iyoyo yakanaka, uye rutendo rwake runokura zvakasimba.
Mufananidzo
Murume nemukadzi vachitanha muchero
Aruma akataura kuti sezvakangoita mbeu yakanaka inobereka muchero wakanaka, shoko raMwari rinounza makomborero kuvanhu vane rutendo.