Chitsauko 22
Basa raAruma kuAmonaiha
Aruma akadzidzisa vhangeri munyika yose. Apo paakaedza kuparidza muAmonaiha, vanhu vakaramba kuteerera. Vakamudzingira kunze kweguta.
Aruma akasuwa nekuti vanhu veAmonaiha vakanga vakaipa zvikuru. Aruma akabva akaenda kune rimwe guta.
Ngirozi yakazviratidza uye ikanyaradza Aruma. Ngirozi yakamutaurira kuti adzokere kuAmonaiha, uye anoparidza zvakare . Aruma akadzokera nokukurumidza.
Aruma akanga ava nenzara. Zvaaipinda muguta, akakumbira mumwe murume zvokudya. Ngirozi yaIshe yakange yataurira murume uyu kuti Aruma aizouya uye kuti Aruma aive muporofita waMwari.
Murume uyu, Amureki, akaenda naAruma kumba kwake uye akamupa zvokudya. Aruma akagara naAmureki nemhuri yake kwemazuva mazhinji. Akatenda Mwari nemhuri yaAmureki uye akavaropafadza.
Aruma akataurira Amureki pamusoro pedaidzo yake yekuti adzidzise vanhu vemuAmonaiha. Amureki akaenda naAruma kunodzidzisa vanhu. Mweya Mutsvene wakavabatsira.
Aruma akataurira vanhu kuti vatendeuke kana kuti, Mwari vaizovaparadza. Akati Jesu Kristu aizouya kuzonunura avo vane rutendo maari uye vakatendeuka.
Vanhu vemuAmonaiha vakashatirwa. Vakaedza kukanda Aruma mutirongo, asi Ishe vakamudzivirira.
Zvino Amureki akatanga kudzidzisa. Vanhu vazhinji vaiziva Amureki; akanga asiri mutorwa sezvaiva zviri Aruma. Akavataurira pamusoro pengirozi iyo yaakange aona.
Amureki akati Aruma aive muporofita waMwari uye aitaura chokwadi. Vanhu vakashamiswa kunzwa uchapupu hwaAmureki.
Vamwe vanhu vakashatirwa, kunyanya mumwe murume akaipa ainzi Ziziromu. Vakaedza kuwanikidza Amureki nemibvunzo, asi akavataurira kuti aiziva pamusoro pechirongwa chavo.
Ziziromu aida kuparadza zvose zvakanga zvakanaka. Aikonzera matambudziko, zvino vanhu vaizomubhadhara mari kuti agadzirise matambudziko aanenge akonzera.
Ziziromu akatadza kuwanikidza Amureki, naizvozvo akada kumupa mari kuti ati hakuna Mwari. Amureki aiziva kuti Mwari vanorarama uye akati Ziziromu aizvizivawo asi aida mari zvakanyanya kupfuura Mwari.
Zvino Amureki akadzidzisa Ziziromu pamusoro paJesu uye pamusoro poKumuka Kuvakafa neupenyu husingaperi. Vanhu vakashamiswa. Ziziromu akatanga kubvunda nekutya.
Ziziromu aiziva kuti Aruma naAmureki vaive nesimba raMwari nokuti vaiziva pfungwa dzake. Ziziromu aibvunza mibvunzo uye achiteerera apo Aruma paaimudzidzisa vhangeri.
Vamwe vanhu vakatenda Aruma naAmureki uye vakatanga kutendeuka nekunzvera magwaro matsvene.
Asi vanhu vazhinji vaida kuuraya Aruma naAmureki. Vakasunga varume vaviri ava uye vakaenda navo kumutongi mukuru.
Ziziromu akava neurombo hwekuti akange akaipa uye akadzidzisa vanhu zvemanyepo. Akateterera vanhu kuti varegere Aruma naAmureki vaende.
Ziziromu nevamwe varume avo vaitenda zvidzidzo zvaAruma naAmureki vakadzingirwa kunze kweguta. Vanhu vakaipa vakavatema nemabwe.
Vanhu vakaipa vakaunganidza vakadzi nevana vaitenda uye vakavakanda, pamwechete nemagwaro matsvene avo, mumoto.
Aruma naAmureki vakamanikidzwa kuti vatarise vakadzi nevana vachifa mumoto. Amureki aida kushandisa simba raMwari kuti avaponese.
Asi Aruma akataurira Amureki kuti akange asingazomisa kuuraiwa kwevanhu kwaiitika nokuti vanhu vaifa vaizova naMwari muchinguva chidiki uye vanhu vakaipa vaizorangwa.
Mutongi mukuru akarova Aruma naAmureki mbama kakawanda uye akavanyomba nokuti vakange vasina kuponesa vakadzi nevana vaitsva. Zvino akavakanda mutirongo.
Vamwe varume vakaipa vakauya kutirongo vakarwadzisa Aruma naAmureki nenzira dzakawanda, kusanganisira kuvanyima zvokudya nekuvasvipira.
Mutongi mukuru akati kana Aruma naAmureki vakashandisa simba raMwari kuzvisunungura, aizotenda. Akavarova mbama zvakare.
Aruma naAmureki vakasimuka. Aruma akanamata akakumbira Mwari kuti vavaite kuti vave vakasimba nekuda kwerutendo rwavo muna Kristu.
Simba raMwari rakazadza Aruma naAmureki, uye vakadambura tambo dzakanga dzakavasunga. Varume vakaipa vakatya vakaedza kutiza asi vakawira pasi.
Pasi pakazungunuka, uye madziro etirongo akawira pavarume vakaipa. Ishe vakadzivirira Aruma naAmureki uye havana kukuvara.
Vanhu vemuAmonaiha vakauya kuzoona zvakanga zvichiitika. Pavakaona Aruma naAmureki vachifamba vachibuda kubva mutorongo yakapwanyika, vakakatya uye vakatiza.
Ishe vakataurira Aruma naAmureki kuti vaende kuSidhomu. Ikoko vakawana vanhu vakarurama. Ziziromu aivekowo uye akanga achirwara zvikuru.
Ziziromu akafara kuona Aruma naAmureki. Akanga achishushikana kuti vakanga vaurayiwa nekuda kwezvaakanga aita. Akavakumbira kuti vamuporese.
Ziziromu akatenda muna Jesu Kristu uye akanga atendeuka kubva muzvivi zvake. Apo Aruma paakamunamatira, Ziziromu akabva aporeswa ipapo.
Ziziromu akabhabhatidzwa uye akatanga kuparidza vhangeri. Vamwe vanhu vazhinji vakabhabhatidzwawo.
Vanhu vakaipa vemuAmonaiha vakaurawa nemauto echiRamani, sekuporofita kwakanga kwakaitwa naAruma.