Chitsauko 26 Vanhu vaAmoni Vanakomana vaMosaya vakadzidzisa vhangeri kumaRamani. Zviuru zvamaRamani zvakatendeuka uye zvikabatana neChechi. Aruma 23:4-5 MaRamani avo vakapinda muChechi vakazvidaidza kuti Vapikisi vemaNifai-Rihai, kana kuti vanhu vaAmoni. Vaive vanhu vakanaka , vachishanda nesimba. Aruma 23:17-18; Aruma 27:26 MaRamani vakanga vasina kutendeuka akashatirirwa vanhu vaAmoni uye ndokugadzirira kuvarwisa. Aruma 24:1-2 Vanhu vaAmoni vaiziva kuti maRamani vakaipa vaizouya kuzovauraya asi vakasarudza kusarwisana navo. Vakanga vatendeuka mune zvekuuraya. Aruma 24:5-6 Vakacherera zvombo zvavo pasi pakadzika muvhu, uye vakavimbisa Mwari kuti havaizombofa vakauraya zvakare. Aruma 24:17-18 Apo maRamani vakaipa pavakauya uye vakatanga kuvauraya, ivo vakapfugama pasi uye vakanamata. Aruma 24:21 Vachiona kuti vanhu vaAmoni havaizorwisana navo vazhinji vamaRamani akaipa vakarega kuvauraya. Aruma 24:23–24 MaRamani akava neurombo kuti vakanga vauraya. Vakakanda pasi zvombo zvavo uye ndokubatana nevanhu vaAmoni. Vakanga vasizarwa zvakare. Aruma 24:24-27 MaRamani mazhinji vakauya kuzouraya vanhu vaAmoni. Zvisinei vanhu vaAmoni havana kurwisa maRamani, , uye vazhinji vakaurayiwa. Aruma 27:2-3 Nekusada kuti vanhu vaaida vaparadzwe, Amoni akanamatira rubatsiro. Ishe vakamutaurira kuti atore vanhu vake vabve munyika imomo. Aruma 27:4-5, 10-12 MaNifai muZarahemura akapa Amoni nevanhu vake nyika yeJeshoni uye vakavadzivirira. Vakava shamwari. Aruma 27:22-23