Chitsauko 27
Koriho
Koriho akataurira vanhu kuti vaive mapenzi kutenda kuti Jesu aizouya panyika uye kuti aizotambudzikira zvivi zvavo.
Akati vanhu havaizorangwa nokuda kwezvivi zvavo nokuti kwakanga kusina upenyu mushure merufu. Vanhu vazhinji vakatenda Koriho. Vakave vakaipa.
Koriho akaedza kuparidzira vanhu vaAmoni, asi havana kumuteerera. Vakamusunga uye vakaenda naye kuna Amoni, uyo akamumanikidza kuti abude muguta.
Koriho akaenda kunyika yaGideoni, asi vanhu veko havanawo kumuteerera. Mutongi mukuru akamutumira kuna Aruma.
Aruma akabvunza Koriho kana aitenda munaMwari. Koriho akati akanga asingatendi. Aruma akapupura kuti kuna Mwari uye kuti Kristu achauya.
Koriho aida kuti Aruma aite chishamiso chaizoratidza kuti kuna Mwari. Koriho akati aizotenda muna Mwari kana akange aona chiratidzo chesimba raMwari.
Aruma akataurira Koriho kuti akanga atoona zviratidzo zvakawanda zvesimba raMwari kuburikidza nemagwaro matsvene uye neuchapupu hwevaporofita vose.
Aruma akati nyika nezvinhu zvose zviri pairi uye nokufamba kwenyika dziri mudenga zviratidzowo zvekuti kuna Mwari.
Koriho akanga achiri kungoramba kuzvitenda. Aruma akasuwa nekuda kweuipi hwaKoriho uye akamuyambira kuti mweya wake waigona kuparadzwa.
Koriho akanga achirikuda chiratidzo chairatidza kuti kuna Mwari. Aruma akati chiratidzo chaibva kuna Mwari chaiva chekuti Koriho aisazokwanisa kutaura.
Mushure mekunge Aruma ataura izvi, Koriho akatadza kutaura.
Koriho akanyora kuti aiziva kuti chiratidzo ichi chaibva kuna Mwari uye kuti akanga agara achiziva kuti kuna Mwari. Akakumbira Aruma kuti anamate uye kuti abvise chituko.
Aruma aiziva kuti kana Koriho akakwanisa kutaura aizonyepa zvakare kuvanhu. Aruma akati Ishe vaizosarudza kana Koriho aizotaura zvekare.
Ishe havana kudzorera kwaniso yekutaura kuna Koriho. Koriho akafamba imba nemba, achipemha zvekudya.
Mutongi mukuru akatumira tsamba nemunyika yose achitaura zvakanga zvaitika kuna Koriho. Akataurira avo vakanga vatenda mazwi aKoriho kuti vatendeuke. Vanhu vakatendeuka.
Koriho akaenda kunogara nemaZoramu. Rimwe zuva apo paaipemha, akatsikwa-tsikwa kusvika afa.