Chitsauko 23
Amoni: Muranda Mukuru-kuru
Amoni akaenda kunyika yaIshmaeri. Apo paakapinda muguta, maRamani vaka musunga vakaenda naye kuna Mambo wavo, Ramonai.
Amoni akataurira Mambo Ramonai kuti aida kugara pakati pemaRamani. Ramonai akafara, uye akaita kuti varume vake vasunungure Amoni…
Amoni akati aizova mumwe wevaranda vamambo. Mambo akamuendesa kunochengeta zvipfuyo zvake.
Rimwe rezuva apo Amoni nevamwe varanda pavaienda nezvipfuyo kuti zvinonwa mvura, makororo echiRamani akaparadzira zvipfuyo uye akaedza kuzviba.
Varanda vaive naAmoni vakatya. Mambo Ramoni akanga ambouraya vamwe varanda vake vakanga vatorerwa zvipfuyo nemakororo aya.
Amoni akaziva kuti uyu ndiwo waive mukana wake kuti ashandise simba raIshe kuti awane mwoyo yemaRamani. Zvino vaizoteerera kudzidziso dzake.
Amoni akataurira varanda kuti kana vakaunganidza zvipfuyo zvakanga zvaparadzirwa, mambo havaizovauraya.
Amoni nevamwe varanda vakakurumidza kuwana zvipfuyo ndokuzvitinha kudzokera kunzvimbo yemvura.
Makororo echiRamani akadzoka. Amoni akataurira vamwe varanda kuti varinde zvipfuyo iye achirwisana nemakororo.
Makororo echiRamani akanga asingatye Amoni. Vaifunga kuti vaikwanisa kumuuraya nyore.
Simba raMwari raive naAmoni. Akatema akauraya mamwe makororo nematombo, izvo zvakaita kuti mamwe makororo ose ashatirwe zvikuru.
Akaedza kuuraya Amoni nenduni dzawo, asi nguva yoga yoga apo gororo paraisimudza nduni kuti rirove Amoni, aibva adimbura ruoko rwegororo. Nekutya, makororo akatiza.
Varanda vakatora maoko akanga adimburwa vakaenda nawo kuna Mambo Ramoni uye vakamutaurira zvaanga zvaitwa naAmoni.
Mambo akashamiswa nesimba guru raive naAmoni. Aida kuona Amoni, asi aitya nekuti aifunga kuti Amoni aive Mweya Mukuru.
Apo Amoni paakapinda kuti anomuona, Mambo Ramonai haana kuziva zvekutaura. Haana kutaura kwenguva inokwana awa.
Mweya Mutsvene wakabatsira Amoni kuti azive izvo zvaifungwa namambo. Amoni akatsanangura kuti akanga asiri Mweya Mukuru. Aive murume.
Mambo akati aizopa Amoni chero chose chaaida kana akamutaurira kuti isimba ripi raakanga ashandisa pakukunda makororo uye kuziva pfungwa dzamambo.
Amoni akati chinhu chimwechete chaaida chaive chokuti Mambo Ramonai atende mumazwi aaizotaura. Mambo akati aizotenda zvose zvaaizotaurirwa naAmoni.
Amoni akabvunza Mambo Ramonai kana aitenda muna Mwari. Mambo akati aitenda muMweya Mukuru.
Amoni akati Mweya Mukuru ndiMwari, uye vakasika zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika, uye kuti vanoziva pfungwa dzevanhu.
Amoni akati vanhu vakasikwa mumufananidzo waMwari. Akatiwo Mwari vakanga vamudaidza kuti azodzidzisa vhangeri kuna Ramonai nevanhu vake.
Achishandisa magwaro matsvene, Amoni akadzidzisa Mambo Ramonai pamusoro peKusikwa, paAdama, uye paJesu Kristu.
Mambo Ramonai akatenda kuna Amoni uye akanamata kuti aregererwe zvivi zvake. Zvino akawira pasi uye akaratidzika sekunge afa.
Varanda vakatakura mambo vakaenda naye kumukadzi wake, uye vakamuradzika pamubhedha. Mushure memazuva maviri varanda vakafunga kuti mambo akanga afa uye vakasarudza kuti vanomuviga.
Mambokadzi haana kubvuma kuti murume wake akanga afa. Nokunge anzwa nezve simba guru raAmoni, akamukumbira kuti abatsire mambo.
Amoni aiziva kuti Ramonai akange ari pasi pesimba raMwari. Akataurira mambokadzi kuti Ramonai aizomuka pazuva raitevera.
Mambokadzi akagaririra parutivi rwaRamonai usiku hwose. Nezuva raitevera Ramonai akamuka uye akati akanga aona Jesu Kristu. Mambo namambokadzi vakazadzwa neMweya Mutsvene.
Ramonai akadzidzisa vanhu vake pamusoro paMwari naJesu Kristu. Avo vakatenda vakatendeuka pazvivi zvavo uye vakabhabhatidzwa.