Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Chitsauko 23: Amoni: Muranda Mukuru-kuru


Chitsauko 23

Amoni: Muranda Mukuru-kuru

Mufananidzo
vanakomana vaMosaya vachibva

Vanakomana vana vaMosaya vakasiya Zarahemura kunodzidzisa maRamani vhangeri. Mumwe nemumwe akaenda kuguta rakasiyana.

Mufananidzo
Amoni achibatwa muusungwa

Amoni akaenda kunyika yaIshmaeri. Apo paakapinda muguta, maRamani vaka musunga vakaenda naye kuna Mambo wavo, Ramonai.

Mufananidzo
Ramonai naAmoni

Amoni akataurira Mambo Ramonai kuti aida kugara pakati pemaRamani. Ramonai akafara, uye akaita kuti varume vake vasunungure Amoni…

Mufananidzo
Amoni achirinda zvipfuyo

Amoni akati aizova mumwe wevaranda vamambo. Mambo akamuendesa kunochengeta zvipfuyo zvake.

Mufananidzo
MaRamani achiparadzira zvipfuyo

Rimwe rezuva apo Amoni nevamwe varanda pavaienda nezvipfuyo kuti zvinonwa mvura, makororo echiRamani akaparadzira zvipfuyo uye akaedza kuzviba.

Mufananidzo
varanda vainaAmoni

Varanda vaive naAmoni vakatya. Mambo Ramoni akanga ambouraya vamwe varanda vake vakanga vatorerwa zvipfuyo nemakororo aya.

Mufananidzo
Amoni

Amoni akaziva kuti uyu ndiwo waive mukana wake kuti ashandise simba raIshe kuti awane mwoyo yemaRamani. Zvino vaizoteerera kudzidziso dzake.

Mufananidzo
Amoni achitaura nevaranda

Amoni akataurira varanda kuti kana vakaunganidza zvipfuyo zvakanga zvaparadzirwa, mambo havaizovauraya.

Mufananidzo
Amoni achiunganidza zvipfuyo

Amoni nevamwe varanda vakakurumidza kuwana zvipfuyo ndokuzvitinha kudzokera kunzvimbo yemvura.

Mufananidzo
Amoni achitaura nevaranda

Makororo echiRamani akadzoka. Amoni akataurira vamwe varanda kuti varinde zvipfuyo iye achirwisana nemakororo.

Mufananidzo
makororo

Makororo echiRamani akanga asingatye Amoni. Vaifunga kuti vaikwanisa kumuuraya nyore.

Mufananidzo
Amoni anouraya makororo

Simba raMwari raive naAmoni. Akatema akauraya mamwe makororo nematombo, izvo zvakaita kuti mamwe makororo ose ashatirwe zvikuru.

Mufananidzo
Amoni achirwisana nemakororo

Akaedza kuuraya Amoni nenduni dzawo, asi nguva yoga yoga apo gororo paraisimudza nduni kuti rirove Amoni, aibva adimbura ruoko rwegororo. Nekutya, makororo akatiza.

Mufananidzo
varanda vachitaura namambo

Varanda vakatora maoko akanga adimburwa vakaenda nawo kuna Mambo Ramoni uye vakamutaurira zvaanga zvaitwa naAmoni.

Mufananidzo
Mambo Ramonai

Mambo akashamiswa nesimba guru raive naAmoni. Aida kuona Amoni, asi aitya nekuti aifunga kuti Amoni aive Mweya Mukuru.

Mufananidzo
mambo achifungisisa

Apo Amoni paakapinda kuti anomuona, Mambo Ramonai haana kuziva zvekutaura. Haana kutaura kwenguva inokwana awa.

Mufananidzo
Amoni achiparidza

Mweya Mutsvene wakabatsira Amoni kuti azive izvo zvaifungwa namambo. Amoni akatsanangura kuti akanga asiri Mweya Mukuru. Aive murume.

Mufananidzo
Mambo Ramonai vachitaura kuna Amoni

Mambo akati aizopa Amoni chero chose chaaida kana akamutaurira kuti isimba ripi raakanga ashandisa pakukunda makororo uye kuziva pfungwa dzamambo.

Mufananidzo
Amoni achitaura kunaMambo Ramonai

Amoni akati chinhu chimwechete chaaida chaive chokuti Mambo Ramonai atende mumazwi aaizotaura. Mambo akati aizotenda zvose zvaaizotaurirwa naAmoni.

Mufananidzo
Amoni achitaura kuna Mambo Ramonai

Amoni akabvunza Mambo Ramonai kana aitenda muna Mwari. Mambo akati aitenda muMweya Mukuru.

Mufananidzo
Amoni achidzidzisa Ramonai

Amoni akati Mweya Mukuru ndiMwari, uye vakasika zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika, uye kuti vanoziva pfungwa dzevanhu.

Mufananidzo
Amoni achidzidzisa Ramonai

Amoni akati vanhu vakasikwa mumufananidzo waMwari. Akatiwo Mwari vakanga vamudaidza kuti azodzidzisa vhangeri kuna Ramonai nevanhu vake.

Mufananidzo
Amoni achidzidzisa nemagwaro matsvene

Achishandisa magwaro matsvene, Amoni akadzidzisa Mambo Ramonai pamusoro peKusikwa, paAdama, uye paJesu Kristu.

Mufananidzo
Ramonai achinamata

Mambo Ramonai akatenda kuna Amoni uye akanamata kuti aregererwe zvivi zvake. Zvino akawira pasi uye akaratidzika sekunge afa.

Mufananidzo
varanda vaMambo

Varanda vakatakura mambo vakaenda naye kumukadzi wake, uye vakamuradzika pamubhedha. Mushure memazuva maviri varanda vakafunga kuti mambo akanga afa uye vakasarudza kuti vanomuviga.

Mufananidzo
mambokadzi achitaura kuna Amoni

Mambokadzi haana kubvuma kuti murume wake akanga afa. Nokunge anzwa nezve simba guru raAmoni, akamukumbira kuti abatsire mambo.

Mufananidzo
Amoni achitaura namambokadzi

Amoni aiziva kuti Ramonai akange ari pasi pesimba raMwari. Akataurira mambokadzi kuti Ramonai aizomuka pazuva raitevera.

Mufananidzo
Ramonai achimuka

Mambokadzi akagaririra parutivi rwaRamonai usiku hwose. Nezuva raitevera Ramonai akamuka uye akati akanga aona Jesu Kristu. Mambo namambokadzi vakazadzwa neMweya Mutsvene.

Mufananidzo
Ramonai achibhabhatidzwa

Ramonai akadzidzisa vanhu vake pamusoro paMwari naJesu Kristu. Avo vakatenda vakatendeuka pazvivi zvavo uye vakabhabhatidzwa.

Dhinda