Chitsauko 5
Kufamba Murenje
Nifai nemadzikoma ake vakadzokera kuJerusarema. Vakataurira Ishmairi izvo zvaidiwa naIshe kuti aite. Ishmairi akatenda kwavari, uye iye nemhuri yake vakaenda nevanakomana vaRihai.
Apo pavakanga vachifamba murenje, Ramani naRemueri nevamwe vemhuri yaIshmaeri vakashatirwa. Vaida kudzokera kuJerusarema.
Nifai akayeuchidza Ramani naRemueri zvose zvavakanga vaitirwa naIshe. Akavataurira kuti vave nerutendo rwakakura. Vakashatirirwa Nifai asi havana kudzokera kuJerusarema.
Nifai, madzikoma ake, naZoramu pashure vakazoroora vanasikana vaIshmaeri.
Ishe vakataurira Rihai kuti aenderere mberi nerwendo rwake. Mangwanani akatevera Rihai akawana chibhora chebhurasi chainzi Riahona kunze kwetende yake. Chainongedzera nzira yekuenda nayo murenje.
Mhuri yaRihai yakaunganidza zvekudya nembeu uye vakarongedza matende avo. Vakafamba nemurenje kwemazuva akawanda, vachitevera kwavairatidzwa neRiahona.
Nifai nemadzikoma ake vaishandisa uta nemiseve kuvhima zvekudya apo pavaifamba.
Uta hwaNifai hwesimbi hwakatyoka, uye uta hwemadzikoma ake hwakarasikirwa nesimba rahwo. Madzikoma ake vakange vasisakwanise kuuraya mhuka, saka munhu wese akanga ava nenzara. Ramani naRemueri vakashatirwa.
Nifai akagadzira uta hwechitanda uye akabvunza baba vake uko kwekuti anovhima. Rihai akatambira nzira muRiahona. Nifai akatevera nzira yaakapihwa uye akawana dzimwe mhuka.
Riahona yaishanda chete apo mhuri yaRihai payainge yakatendeka, yakashinga, uye ichiteerera.
Nifai akadzoka nemhuka dzaakanga awana. Munhu wese akafara kuwana zvekudya. Vakava neurombo kuti vakanga vamboshatirwa, uye vakatenda Mwari nekuvaropafadza kwavakanga vaita.
Kufamba kwakanga kusiri nyore. Kazhinji mhuri yaRihai yakanga yakaneta, iine nzara, nenyota. Ishmaeri akafa uye vanasikana vake vakasuwa. Vakatsutsumwa kuna Rihai.
Ramani naRemueri vakatsutsumwawo. Havana kubvuma kuti Ishe vakanga vataura kuna Nifai. Vaida kuuraya Rihai naNifai uye vagodzokera kuJerusarema.
Izwi raIshe rakataura kuna Ramani naRemueri. Rakavataurira kuti vasashatirirwe Rihai naNifai. Ramani naRemueri vakatendeuka.
Mhuri yaRihai yakaenda mberi nerwendo rwavo rwainetsa. Mwari vakavabatsira uye vakavasimbisa. Vana vakazvarwa. Rihai naSaria vakave nevamwe vanakomana vaviri, vainzi Jakobho naJosefa.
Mushure mekufamba murenje kwemakore masere, mhuri yaRihai yakasvika kumahombekombe kwegungwa. Ipapo vakawana muchero nehuchi. Vakadaidza nzvimbo iyi kuti Bhaundifuru.