Mazwi ekuziva
a
-
aritarinzvimbo inoera, yakavakwa neivhu kana nematombo yakakwirira inopirwa minamato nemipiro kuna Mwari
aritari
c
-
chibvumiranochitsidzo pakati paMwari nemunhu.
-
chigaro chehutongichinzvimbo chaiva muhurumende yemaNifai icho chaibatwa nemutongi mukuru
-
chikepechikepe chihombe chinoshandiswa kutakura vanhu kana zvinhu zvokushandisa
chikepe
-
chimvii-mviichombo chinoshandiswa kukanda matombo
chimvii-mvii
-
chiratidzorudzi rwezvakazarurwa
-
chirotonyaya inoitika mupfungwa dzemunhu apo paanenge akarara
-
chishamisochiitwa kana kuti chiitiko chisingawanzoitika chinoratidza simba raMwari
-
chisungochiitwa chinoera kana chiitiko chine zvirevo zvemweya, sezvakaita rubhabhatidzo kana sakaramende
-
chivikutyora murairo
-
chokwadichinhu chinenge chakaitika zvechokwadi kana chakanaka kana chakarurama
-
chombochinhu chinoshandiswa kukuvadza kana kuuraya vamwe vanhu, sezvakaita munondo kana pfumo
d
-
danda resimbichiratidzo muchiroto chaRihai chinoratidza shoko raMwari.
-
denganzvimbo inogara Baba Vekudenga naJesu Kristu
-
dudzirakushandura mazwi kubva kune mumwe mutauro kuenda kune mumwe
h
-
hondokurwisana pakati pevavengi kana mauto anopikisana
-
hupirisitamvumo yekuita zvinhu muzita raMwari
-
huporofitakutsanangudza chiitiko chisati chaitika
i
-
ipachinhu chisiri chaMwari. Munhu akaipa anoda satani uye haachengetedze mirairo yaMwari.
k
-
keputenimutungamiriri wemauto
-
kubakutora chinhu chemumwe munhu pasina mvumo
-
kubatanakuva nhengo yechikwata
-
kucheka ganda redehenyakucheka kubvisa ganda repamusoro wemunhu nemunondo
-
kudhakwakutadza kuzvibata nokuda kwekunwa doro rakawandisa
-
kugadzakupa simba nemvumo yehupirisita
kugadza
-
kumutswa kuvakafakudzorera munhu kana chinhu kuhupenyu zvakare
-
kurovera pamuchinjikwakuuraya kuburikidza nekurovera munhu nezvipikiri pamuchinjikwa
-
kururamachinhu chinenge chiri chaMwari . Vanhu vakarurama ndeavo vanotevera mirairo yaMwari.
-
kuzadzwa neMweya Mutsvene.kuti Mweya Mutsvene utaurire pfungwa nemwoyo wemunhu izvo zviri chokwadi
-
kuzvininipisakuva unodzidzisika nekutsvaga kuita zvido zvaMwari.
L
-
Liahonabhora resimbi yebhurasi iro Mwari ravakapa kumhuri yaRihai raivaratidza gwara rekutora murenje. raishanda chete apo mhuri yaRihai payainge yakarurama.
Liahona
m M
-
mahwendefamarata akatetepa esimbi ainyorerwa nevanhu dzidziso dzaMwari uye nhoroondo dzevanhu.
mahwendefa
-
mahwendefa egoridhegwaro rakanyorwa pamahwendefa egoridhe. Moroni akaviga ayamuChikomo cheKumora, uye pashure Joseph Smith akazoaburitsa.
mahwendefa egoridhe
-
mahwendefa esimbi yebhurasichinyorwa chemirairo yaMwari nekushanda kwavo nemadziteteguru aRihai .
mahwendefa esimbi yebhurasi
-
mambomutungamiri wechikwata chevanhu
-
mashoko anofadzamashoko etariro nenyaradzo anobva kuna Mwari.
-
matsikusakwanisa kunzwa
-
mautochikwata chemasoja chakagadzirira kurwa
-
mudzidzimunhu anotevera Jesu Kristu, uye achiedza kuva saiye.
-
mufananidzochinhu chinonamatwa nevanhu chisiri chaMwari.
-
munondobanga rakareba, resimbi rinoshandiswa kucheka kana kubaya
munondo
-
mupirokupira chinhu chakakosha kuna Mwari.
-
muporofitamunhu anodaidzwa naMwari kuti ataurire vanhu chido chaMwari
-
murairochinhu Mwari chavanoudza vanhu vavo kuti vaite kuitira kuti vagova vanofara
-
mureza werusunungukoshoko rakanyorwa neMutungamiri Moroni achikuridzira vanhu vake kuti vadzivirire rusununguko rwavo
mureza werusununguko
-
musevechombo chine muromo wakapinza chinoshandiswa pakuvhima kana muhondo
museve
-
mushumirimunhu anodzidzisa vamwe vhangeri raJesu Kristu
-
musojamunhu anorwa ari mumauto
-
muti weupenyumuti muchiroto chaRihai waimiririra rudo rwaMwari
-
mutongimutungamiri anosarudza zvinorehwa nemitemo kana kuti vanhu vanofanira kuichengeta sei
-
mutungamirimunhu anotungamirira chikwata chevanhu
-
Mweya Mukuruzita remaRamani raMwari
n
-
namatakutaura kunaMwari, uchitenda, nekukumbira maropafadzo.
-
ngirozimutumwa kubva kuna Mwari
-
nguwochipfeko chakareba, chakapamhama
-
nguwo yehondochipfeko chinopfekwa nemasoja kuzvidzivirira muhondo
nguwo yehondo
-
nhapwavanhu vanomanikidzwa kushandira vamwe vanhu
-
nhengomunhu anenge ari chikamu chechechi kana chechikwata
-
nhoochikamu chedziviriro inodzivirira nechekumusoro kwemuviri wemusoja kubva kumabakatwa kana zvimwe zvombo.
-
nzarakushayikwa kwezvekudya kunokonzerwa nekusanaya kwemvura uye zvirimwa zvichitadza kukura.
-
nzwisisakuziva kana kunzwisisa imwe pfungwa
p
-
pandukakusateerera kana kupikisa mirairo
-
paradzakugumisa kana kupwanya zvachose chimwe chinhu, zvakaita seguta kana hupenyu.
-
pfumochimuti chakarodzwa, chine muromo wakapinza chinoshandiswa kubaya
pfumo
-
poresakuita kuti munhu anorwara kana akakuvara anzwe zvirinani kana kuti arapwe
-
pukunyukakutiza kubva kunemumwe munhu
r
-
rangakukonzera kana kubvumira zvinhu zvakaipa kuti zviitike kumunhu Vanhu vanowanzorangwa kana vasingateereri Mwari.
-
ranganokuronga chirongwa chakaipa kune mumwe munhu.
-
regererakukanganwa zvinhu zvakaipa zvakaitwa nemunhu uye kuda munhu iyeye
-
renjenzvimbo yenyika yakakura sina zvirimwa uye isina maguta kana vanhu
-
ropafadzakupa munhu chimwe chinhu chinomubatsira. kuropafadza sakaramende, kukumbira Mwari kuti vagamuchire chingwa nemvura semucherechedzo waJesu Kristu
-
rubhabhatidzochisungo umo munhu ane mvumo inobva kuna Mwari anonyudza mumwe munhu zvakazara mumvura, uye obuditsa munhu wacho kunze zvakare. rubhabhatidzo runodikanwa kuti munhu ave nhengo yeChechi yaJesu Kristu.
rubhabhatidzo
-
runyararokunzwa kwekugadzikana kana nguva isina hondo
-
rusunungukokugona kuita sarudzo
-
rusunungukorusununguko rwekuita sarudzo
-
rutendokutenda muna Jesu Kristu
s
-
sakaramendechisungo umo varume vane hupirisita vanoropafadza nekugovera chingwa nemvura kune vamwe vanhu. Sakaramende inorangaridza vanhu nezva Jesu Kristu.
-
shingakuziva nekudzivirira zvinhu zvakarurama
-
shongwechivako chirefu kana puratifomu panokwanisa kumira vanhu
shongwe
-
shumirakuyemura kana kutevera munhu kana chinhu
-
shungurudzakutaura zvinhu zvenhema pamusoro pemumwe munhu, uchiedza kumurwadzisa.
-
simbasimba rakanaka kana rakaipa, kazhinji rubatsiro rwakakosha kana simba rakakosha kubva kunaMwari.
-
sinagogerudzi rwechivako umo vanhu mavanoungana kunamata Mwari
t
-
teererakuita zvinenge zvakumbirwa kana zvarairwa
-
temakukanda matombo pamunhu kusvikira afa
-
temberiimba yaMwari
temberi
-
tendakunzwa kana kuziva kuti chimwe chinhu ndechechokwadi
-
tendekakuramba uchiteerera mirairo
-
tendeukakunzwa urombo nokuda kwechiito kana pfungwa uye wovimbisa kusazvidzokorora zvakare.
-
tirongonzvimbo inoshandiswa kuchengeta vanhu vanenge vapara mhosva.
-
tsanyakusadya zvekudya kana kunwa mvura apo paunenge uchitsvaga rubatsiro pamweya
-
tsvimbochombo chinoshandiswa kurova mhuka kana vanhu.
tsvimbo
u U
-
uchapupumanzwiro kana uchapupu hwekuti magwaro ndee chokwadi
-
upenyu hwekusingaperikugara nokusingaperi naMwari
-
upofukusakwanisa kuona
-
Urimi neTumimizvishandiso zvakakosha izvo zvinopiwa naMwari kuvaporofita kuvabatsira kududzira nekugamuchira zvakazarurwa
-
utarutanda rurefu rune tambo yakasungirwa kumativi ose runoshandiswa kupotseresa miseve.
uta
-
utapwakusasununguka, kufanira kushanda zuva rose kuitira chimuko chemumwe munhu
-
uyipichinhu chakaipa
v
-
vakakugadzira kana kuumba chinhu
-
varandavanhu vanoshandira kana kusevenzera mumwe munhu sezvakaita mambo
-
vhangeridzidziso dzaJesu Kristu
-
vimbisomhiko kana tsidziro yekuita kana kuva chimwe chinhu