Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Mazwi ekuziva


Mazwi ekuziva

a

aritarinzvimbo inoera, yakavakwa neivhu kana nematombo yakakwirira inopirwa minamato nemipiro kuna Mwari

Mufananidzo
aritari

aritari

c

chibvumiranochitsidzo pakati paMwari nemunhu.

chigaro chehutongichinzvimbo chaiva muhurumende yemaNifai icho chaibatwa nemutongi mukuru

chikepechikepe chihombe chinoshandiswa kutakura vanhu kana zvinhu zvokushandisa

Mufananidzo
chikepe

chikepe

chimvii-mviichombo chinoshandiswa kukanda matombo

Mufananidzo
chimvii-mvii

chimvii-mvii

chiratidzorudzi rwezvakazarurwa

chirotonyaya inoitika mupfungwa dzemunhu apo paanenge akarara

chishamisochiitwa kana kuti chiitiko chisingawanzoitika chinoratidza simba raMwari

chisungochiitwa chinoera kana chiitiko chine zvirevo zvemweya, sezvakaita rubhabhatidzo kana sakaramende

chivikutyora murairo

chokwadichinhu chinenge chakaitika zvechokwadi kana chakanaka kana chakarurama

chombochinhu chinoshandiswa kukuvadza kana kuuraya vamwe vanhu, sezvakaita munondo kana pfumo

d

danda resimbichiratidzo muchiroto chaRihai chinoratidza shoko raMwari.

denganzvimbo inogara Baba Vekudenga naJesu Kristu

dudzirakushandura mazwi kubva kune mumwe mutauro kuenda kune mumwe

h

hondokurwisana pakati pevavengi kana mauto anopikisana

hupirisitamvumo yekuita zvinhu muzita raMwari

huporofitakutsanangudza chiitiko chisati chaitika

i

ipachinhu chisiri chaMwari. Munhu akaipa anoda satani uye haachengetedze mirairo yaMwari.

k

keputenimutungamiriri wemauto

kubakutora chinhu chemumwe munhu pasina mvumo

kubatanakuva nhengo yechikwata

kucheka ganda redehenyakucheka kubvisa ganda repamusoro wemunhu nemunondo

kudhakwakutadza kuzvibata nokuda kwekunwa doro rakawandisa

kugadzakupa simba nemvumo yehupirisita

Mufananidzo
kugadza

kugadza

kumutswa kuvakafakudzorera munhu kana chinhu kuhupenyu zvakare

kurovera pamuchinjikwakuuraya kuburikidza nekurovera munhu nezvipikiri pamuchinjikwa

kururamachinhu chinenge chiri chaMwari . Vanhu vakarurama ndeavo vanotevera mirairo yaMwari.

kuzadzwa neMweya Mutsvene.kuti Mweya Mutsvene utaurire pfungwa nemwoyo wemunhu izvo zviri chokwadi

kuzvininipisakuva unodzidzisika nekutsvaga kuita zvido zvaMwari.

L

Liahonabhora resimbi yebhurasi iro Mwari ravakapa kumhuri yaRihai raivaratidza gwara rekutora murenje. raishanda chete apo mhuri yaRihai payainge yakarurama.

Mufananidzo
Liahona

Liahona

m M

mahwendefamarata akatetepa esimbi ainyorerwa nevanhu dzidziso dzaMwari uye nhoroondo dzevanhu.

Mufananidzo
mahwendefa

mahwendefa

mahwendefa egoridhegwaro rakanyorwa pamahwendefa egoridhe. Moroni akaviga ayamuChikomo cheKumora, uye pashure Joseph Smith akazoaburitsa.

Mufananidzo
mahwendefa egoridhe

mahwendefa egoridhe

mahwendefa esimbi yebhurasichinyorwa chemirairo yaMwari nekushanda kwavo nemadziteteguru aRihai .

Mufananidzo
mahwendefa esimbi yebhurasi

mahwendefa esimbi yebhurasi

mambomutungamiri wechikwata chevanhu

mashoko anofadzamashoko etariro nenyaradzo anobva kuna Mwari.

matsikusakwanisa kunzwa

mautochikwata chemasoja chakagadzirira kurwa

mudzidzimunhu anotevera Jesu Kristu, uye achiedza kuva saiye.

mufananidzochinhu chinonamatwa nevanhu chisiri chaMwari.

munondobanga rakareba, resimbi rinoshandiswa kucheka kana kubaya

Mufananidzo
munondo

munondo

mupirokupira chinhu chakakosha kuna Mwari.

muporofitamunhu anodaidzwa naMwari kuti ataurire vanhu chido chaMwari

murairochinhu Mwari chavanoudza vanhu vavo kuti vaite kuitira kuti vagova vanofara

mureza werusunungukoshoko rakanyorwa neMutungamiri Moroni achikuridzira vanhu vake kuti vadzivirire rusununguko rwavo

Mufananidzo
mureza werusununguko

mureza werusununguko

musevechombo chine muromo wakapinza chinoshandiswa pakuvhima kana muhondo

Mufananidzo
museve

museve

mushumirimunhu anodzidzisa vamwe vhangeri raJesu Kristu

musojamunhu anorwa ari mumauto

muti weupenyumuti muchiroto chaRihai waimiririra rudo rwaMwari

mutongimutungamiri anosarudza zvinorehwa nemitemo kana kuti vanhu vanofanira kuichengeta sei

mutungamirimunhu anotungamirira chikwata chevanhu

Mweya Mukuruzita remaRamani raMwari

n

namatakutaura kunaMwari, uchitenda, nekukumbira maropafadzo.

ngirozimutumwa kubva kuna Mwari

nguwochipfeko chakareba, chakapamhama

nguwo yehondochipfeko chinopfekwa nemasoja kuzvidzivirira muhondo

Mufananidzo
nguwo yehondo

nguwo yehondo

nhapwavanhu vanomanikidzwa kushandira vamwe vanhu

nhengomunhu anenge ari chikamu chechechi kana chechikwata

nhoochikamu chedziviriro inodzivirira nechekumusoro kwemuviri wemusoja kubva kumabakatwa kana zvimwe zvombo.

nzarakushayikwa kwezvekudya kunokonzerwa nekusanaya kwemvura uye zvirimwa zvichitadza kukura.

nzwisisakuziva kana kunzwisisa imwe pfungwa

p

pandukakusateerera kana kupikisa mirairo

paradzakugumisa kana kupwanya zvachose chimwe chinhu, zvakaita seguta kana hupenyu.

pfumochimuti chakarodzwa, chine muromo wakapinza chinoshandiswa kubaya

Mufananidzo
pfumo

pfumo

poresakuita kuti munhu anorwara kana akakuvara anzwe zvirinani kana kuti arapwe

pukunyukakutiza kubva kunemumwe munhu

r

rangakukonzera kana kubvumira zvinhu zvakaipa kuti zviitike kumunhu Vanhu vanowanzorangwa kana vasingateereri Mwari.

ranganokuronga chirongwa chakaipa kune mumwe munhu.

regererakukanganwa zvinhu zvakaipa zvakaitwa nemunhu uye kuda munhu iyeye

renjenzvimbo yenyika yakakura sina zvirimwa uye isina maguta kana vanhu

ropafadzakupa munhu chimwe chinhu chinomubatsira. kuropafadza sakaramende, kukumbira Mwari kuti vagamuchire chingwa nemvura semucherechedzo waJesu Kristu

rubhabhatidzochisungo umo munhu ane mvumo inobva kuna Mwari anonyudza mumwe munhu zvakazara mumvura, uye obuditsa munhu wacho kunze zvakare. rubhabhatidzo runodikanwa kuti munhu ave nhengo yeChechi yaJesu Kristu.

Mufananidzo
rubhabhatidzo

rubhabhatidzo

runyararokunzwa kwekugadzikana kana nguva isina hondo

rusunungukokugona kuita sarudzo

rusunungukorusununguko rwekuita sarudzo

rutendokutenda muna Jesu Kristu

s

sakaramendechisungo umo varume vane hupirisita vanoropafadza nekugovera chingwa nemvura kune vamwe vanhu. Sakaramende inorangaridza vanhu nezva Jesu Kristu.

shingakuziva nekudzivirira zvinhu zvakarurama

shongwechivako chirefu kana puratifomu panokwanisa kumira vanhu

Mufananidzo
shongwe

shongwe

shumirakuyemura kana kutevera munhu kana chinhu

shungurudzakutaura zvinhu zvenhema pamusoro pemumwe munhu, uchiedza kumurwadzisa.

simbasimba rakanaka kana rakaipa, kazhinji rubatsiro rwakakosha kana simba rakakosha kubva kunaMwari.

sinagogerudzi rwechivako umo vanhu mavanoungana kunamata Mwari

t

teererakuita zvinenge zvakumbirwa kana zvarairwa

temakukanda matombo pamunhu kusvikira afa

temberiimba yaMwari

Mufananidzo
temberi

temberi

tendakunzwa kana kuziva kuti chimwe chinhu ndechechokwadi

tendekakuramba uchiteerera mirairo

tendeukakunzwa urombo nokuda kwechiito kana pfungwa uye wovimbisa kusazvidzokorora zvakare.

tirongonzvimbo inoshandiswa kuchengeta vanhu vanenge vapara mhosva.

tsanyakusadya zvekudya kana kunwa mvura apo paunenge uchitsvaga rubatsiro pamweya

tsvimbochombo chinoshandiswa kurova mhuka kana vanhu.

Mufananidzo
tsvimbo

tsvimbo

u U

uchapupumanzwiro kana uchapupu hwekuti magwaro ndee chokwadi

upenyu hwekusingaperikugara nokusingaperi naMwari

upofukusakwanisa kuona

Urimi neTumimizvishandiso zvakakosha izvo zvinopiwa naMwari kuvaporofita kuvabatsira kududzira nekugamuchira zvakazarurwa

utarutanda rurefu rune tambo yakasungirwa kumativi ose runoshandiswa kupotseresa miseve.

Mufananidzo
uta

uta

utapwakusasununguka, kufanira kushanda zuva rose kuitira chimuko chemumwe munhu

uyipichinhu chakaipa

v

vakakugadzira kana kuumba chinhu

varandavanhu vanoshandira kana kusevenzera mumwe munhu sezvakaita mambo

vhangeridzidziso dzaJesu Kristu

vimbisomhiko kana tsidziro yekuita kana kuva chimwe chinhu

Dhinda