Chitsauko 28
MaZoramu neRameumbutomu
MaNifai vaida kudzivirira maZoramu kuti vasabatane nemaRamani, naizvozvo Aruma akaenda navamwe vashumiri kuti vanoparidza shoko raMwari kuma Zoramu.
Vashumiri ava vakashamiswa uye vakagumbuka nemanamatiro aiitwa nemaZoramu mumachechi avo, ainzi masinagoge.
Pakati pechechi, maZoramu akanga akavaka chinzvimbo chokumirira chakakwirira chainzi Rameumbutomu. Paive paine nzvimbo yaikwana munhu mumwechete kuti amire pamusoro pacho.
MaZoramu aipanana mukana wekumira ipapo, vachinanavira kudenga uye nezwi riri pamusoro vachidzokorora munamato mumwechetewo.
Mumunato uyu, maZoramu vaiti Mwari havana muviri wenyama; vaive mweya chete. Vakataurawo kuti hakwaizova naKristu.
MaZoramu vaifunga kuti Mwari vakanga vavasarudza ivo chete kuti vaponeswe muumambo hwekudenga. Uye vakapa kutenda kuti vaive vanhu vavo vaidisiswa.
Mushure mekunge mumwe nemumwe wemaZoramu anamata, vaienda kumba uye havaizonamate kana kutaura pamusoro paMwari zvakare kwesvondo rose.
MaZoramu vapfumi vaida goridhe nesirivha uye vachizvitutumadza pamusoro pehupfumi hwavo hwepanyika. Aruma akasuwa nekuona kuipa kwavakanga vakaita.
Aruma akazvinamatira iye nevashumiri vake kuti vave nesimba, nyaradzo, uye nebudiriro mubasa ravo.
Mushure mekukumbira rubatsiro rwekuti vadzose maZoramu kuchokwadi, Aruma nevamwe vashumiri vakazadzwa neMweya Mutsvene.
Vashumiri zvino vakaenda nemunzira dzakasiyana kundoparidza. Mwari vakavaropafadza nezvekudya uye nezvekupfeka uye vakavasimbisa mubasa ravo.
MaZoramu vaive vari varombo vakanga vasingabvumirwi mukati memachechi. Vanhu ava vakatanga kuteerera kuvashumiri.
Vazhinji vakabvunza Aruma kuti vaifanira kuita sei. Aruma akavataurira kuti vakanga vasingafanire kuva vari mukati mechechi kuti vanamate kana kushumira Mwari.
Akavataurira kuti vave nerutendo muna Mwari. Zvino Amureki akavadzidzisa pamusoro paJesu Kristu uye pamusoro pechirongwa chaMwari chevana vavo.
Vashumiri vakaenda, uye maZoramu akanga atenda mavari akaburitswa muguta. Vatendi vakaenda kunogara munyika yeJeshoni nevanhu vaAmoni.
Kunyange maZoramu akaipa akatyisidzira vanhu vaAmoni, vanhu vaAmoni vakabatsira maZoramu akarurama vakavapa zvekudya, zvekupfeka uye nyika.