Chitsauko 21
MaAmurisai
MaNifai vakarurama vakanga vasingadi kuti Amurisai ave mambo wavo. Vaiziva kuti aida kuparadza Chechi yaMwari.
MaNifai vakaungana muzvikwata zvakasiyana siyana kuti vagosarudza kana Amurisai aifanira kuva mambo. Vanhu vazhinji havana kusarudza Amurisai, uye haana kuva mambo.
Amurisai nevateveri vake vakashatirwa. Vakasiya maNifai, vakaita Amurisai mambo wavo, uye vakazvidaidza kuti maAmurisai. Amurisai akaraira kuti varwise maNifai.
MaNifai akarurama vakagadzirira kuzvidzivirira neuta nemiseve, minondo, nezvimwe zvombo.
MaAmarisai vakanorwisa, uye maNifai, ayo aitungamirirwa naAruma uye akanga asimbiswa naIshe, akauraya vazhinji vawo. MaAmurisai ose asina kuuraiwa akatiza.
Aruma akatumira vasori kuti vanowongorora maAmurisai. Vasori vakavaona vachibatana neboka guru remauto echiRamani vachirwisa maNifai vaigara pedyo neZarahemura.
MaNifai vakanamata, uye Mwari vakavabatsira zvakare. Vakauraya masoja mazhinji echiRamani-Amurisai.
Aruma naAmurisai vakarwisana neminondo. Aruma akanamata kuti upenyu hwake huchengetedzwe, uye Mwari vakamupa simba rekuti auraye Amurisai.
MaNifai vakadzinganisa maRamani nemaAmurisai kuenda murenje. Vazhinji vevakanga vakuvara vakafa ipapo uye vakadyiwa nemhuka dzemusango.
SemaRamani, maAmurisai vakazviisa mucherechedzoweruvara rwutsvuku, izvo zvakazadzikisa huporofita. MaAmurisai vakanga vazvipatsanura kubva kumakomborero evhangeri.