Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Chitsauko 15: Aruma Anodzidzisa uye Anobhabhatidza


Chitsauko 15

Aruma Anodzidzisa uye Anobhabhatidza

Mufananidzo
Aruma achinyora

Aruma akatiza kubva kuvaranda vaMambo Noa uye akahwanda kwemazuva mazhinji. Apo paakange akahwanda, akanyora pasi izvo zvakanga zvadzidziswa nemuporofita Abhinadhai.

Mufananidzo
Aruma achidzidzisa vamwe

Aruma akatendeuka pazvivi zvake uye akaenda kumaNifai muchivande, achivadzidzisa shoko raAbhinadhai. Aruma akataurira vanhu kuti vave nerutendo muna Jesu Kristu uye vatendeuke.

Mufananidzo
Aruma

Munguva dzemasikati Aruma aihwanda murugwezhwa rwemiti padyo nedziva rainzi Mvura dzaMormoni.

Mufananidzo
Aruma achibhabhatidza vamwe

Avo vakatenda dzidziso dzaAruma vakaenda kuMvura dzaMormoni vakabhabhatidzwa. Aruma akabhabhatidza vanhu mazana maviri nevana kupinda muChechi yaKristu.

Mufananidzo
Aruma achigadza vapirisita

Aruma achigadza vapirisita kuti vadzidzise vanhu. Akataurira vapirisita kuti vadzidzise rutendeuko nerutendo muna Jesu Kristu. Akatiwo havafanire kukakavadzana asi vabatane.

Mufananidzo
varume vachigoverana

Vanhu vaAruma vaidanana nekushandirana. Vaigoverana zvinhu zvose zvavaiva nazvo uye vachitenda nekuva vakadzidza nezvaJesu Kristu, Mununuri wavo.

Mufananidzo
Varanda vaNoa vakasora Aruma

Varanda vaMambo Noa vakaona Aruma achidzidzisa vanhu. Mambo akati Aruma akanga achikonzera maNifai kumupandukira, saka akatumira mauto kuti avauraye.

Mufananidzo
Aruma nevamwe vachitiza

Mwari vakayambira Aruma kuti mauto aMambo Noa akanga ari kuuya. Vanhu vakaunganidza mhuri dzavo, zvipfuyo, nezvimwe zvinhu zvavo uye vakatizira murenje.

Mufananidzo
soja raMambo Noa

Mwari vakasimbisa vanhu vaAruma kuitira kuti vakwanise kutiza kubva kumauto aMambo Noa. Mauto akatsvaga asi haana kumbovawana.

Mufananidzo
vanhu vachidyara

Mushure mekufamba murenje kwemazuva masere, vanhu vaAruma vakasvika kunharaunda yakanaka yaive nemvura yakachena yaiyerera nemairi. Ipapo vakadyara zvirimwa uye vakavaka zvivako.

Mufananidzo
Aruma achitaura nevamwe

Vanhu vaida kuti Aruma ave mambo wavo, asi Aruma akati Mwari vakanga vasingade kuti vave naMambo. Mwari vaida kuti vasununguke.

Dhinda