Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Chitsauko 8: Kuyambuka Gungwa


Chitsauko 8

Kuyambuka Gungwa

Mufananidzo
mhuri ichirongedza

Ishe vakataurira Rihai kuti akwidze mhuri yake mungarava yavakanga vavaka. Vakaizadza nemuchero, nyama, nehuchi uye nembeu dzekuzodyara munyika yechipikirwa.

Mufananidzo
ngarava ichifamba

Mhepo dzakasimba dzakafambisa ngarava yakananga kunyika yechipikirwa.

Mufananidzo
Ramani naRemueri vachisunga Nifai

Ramani, Remueri, nevamwe vakatanga kuva vakaipa. Apo Nifai paakavataurira kuti vazviregedze, vakashatirwa uye vakamusunga netambo.

Mufananidzo
ngarava iri mudutu

Nokuda kwehuipi hwavo, Riahona yakamira kushanda. Havana kuziva nzira yekufambisa ngarava nayo. Dutu rakaipisisa rakafambisa ngarava ichidzoserwa kumashure kwemazuva matatu.

Mufananidzo
Rihai naSaria

Rihai akataurira Ramani naRemueri kuti vasunungure Nifai, asi havana kumboteerera. Rihai naSaria vakagumbuka zvekuti vakarwara.

Mufananidzo
vanhu vachikakavadzana

Mudzimai waNifai nevana vakachema Vakateterera Ramani naRemueri kuti vasunungure Nifai asi vakaramba.

Mufananidzo
ngarava yavakuda kunyura

Pazuva rechina dutu rakanyanyisa kukura. ngarava yakanga yavakuda kunyura.

Mufananidzo
Ramani naRemueri

Ramani naRemueri vaiziva kuti Mwari vakanga vatumira dutu. Vakatya kuti vaizonyura.

Mufananidzo
Nifai nemhuri

Pekupedzisira Ramani naRemueri vakatendeuka uye vakasunungura Nifai. Kunyange zvazvo zviningoningo zvake nezviziso zvemakumbo zvake zvakanga zvazvimba uye zvichirwadza nokuda kwetambo, Nifai haana kumbotsutsumwa.

Mufananidzo
Nifai akabata Riahona

Nifai zvino akasimudza Riahona, uye ikashanda zvakare. Nifai akanamata, uye mhepo ikamira. Gungwa rakadzikama.

Mufananidzo
Nifai achichaira ngarava

Nifai akachaira ngarava, uye ikafamba zvakare yakananga kunyika yechipikirwa.

Dhinda