Chitsauko 8
Kuyambuka Gungwa
Mhepo dzakasimba dzakafambisa ngarava yakananga kunyika yechipikirwa.
Ramani, Remueri, nevamwe vakatanga kuva vakaipa. Apo Nifai paakavataurira kuti vazviregedze, vakashatirwa uye vakamusunga netambo.
Nokuda kwehuipi hwavo, Riahona yakamira kushanda. Havana kuziva nzira yekufambisa ngarava nayo. Dutu rakaipisisa rakafambisa ngarava ichidzoserwa kumashure kwemazuva matatu.
Rihai akataurira Ramani naRemueri kuti vasunungure Nifai, asi havana kumboteerera. Rihai naSaria vakagumbuka zvekuti vakarwara.
Mudzimai waNifai nevana vakachema Vakateterera Ramani naRemueri kuti vasunungure Nifai asi vakaramba.
Pazuva rechina dutu rakanyanyisa kukura. ngarava yakanga yavakuda kunyura.
Ramani naRemueri vaiziva kuti Mwari vakanga vatumira dutu. Vakatya kuti vaizonyura.
Pekupedzisira Ramani naRemueri vakatendeuka uye vakasunungura Nifai. Kunyange zvazvo zviningoningo zvake nezviziso zvemakumbo zvake zvakanga zvazvimba uye zvichirwadza nokuda kwetambo, Nifai haana kumbotsutsumwa.
Nifai zvino akasimudza Riahona, uye ikashanda zvakare. Nifai akanamata, uye mhepo ikamira. Gungwa rakadzikama.
Nifai akachaira ngarava, uye ikafamba zvakare yakananga kunyika yechipikirwa.