Chitsauko 40
Samueri muRamani Anotaura pamusoro paJesu Kristu
Samueri, muporofita wechiRamani, akaenda kuZarahemura kunoparidza kumaNifai akanga akaipa. Akavaudza kuti vatendeuke.
MaNifai akatandanisira Samueri kunze kweguta, uye akatanga kufamba odzokera kunyika yake.
Asi Ishe vakataurira Samueri kuti adzokere kuZarahemura uye anoudza vanhu zvinhu izvo Ishe zvavaizoisa mumwoyo make.
MaNifai akaramba kubvumira Samueri kuti apinde zvakare muguta, saka akakwira pamusoro perusvingo rweguta uye akaparidza ari ipapo.
Akaporofita kuti maNifai aizoparadzwa mumakore mazana mana kusara kwekunge vanhu vatendeuka uye vakava nerutendo muna Jesu Kristu.
Samueri akataurira maNifai kuti Jesu Kristu aizozvarwa mumakore mashanu uye kuti aizoponesa avo vose vaitenda maari.
Samueri akavataurira pamusoro pezviratidzo zvekuzvarwa kwaJesu. Nyeredzi itsva yaizouya, uye pahusiku hwaizoteverwa nekuzvarwa kwaJesu kunze hakwaizosviba.
Zvino Samueri akavataurira zviratidzo zverufu rwaJesu. Kwaizova nemazuva matatu erima guru–zuva, mwedzi, nenyeredzi hazvizobwinyi.
Kwaizovawo nemabhanan’ana nekupenya nekudengenyeka kwenyika. Makomo aizoputsika, uye maguta mazhinji aizoparadzwa.
Mamwe maNifai akatenda zvakanga zvataurwa naSamueri uye vakatendeuka pazvivi zvavo. Vakaenda kunotsvaga Nifai, muNifai akanga akarurama uyo aikwanisa kuvabhabhatidza.
Mamwe maNifai ose haana kutenda zvakanga zvataurwa naSamueri. Vakakanda matombo nokupfura miseve kwaari. Asi Ishe vakamudzivirira, uye hapana dombo rakamutema kana museve wakamubaya.
Apo vanhu pavakaona kuti vakanga vasingakwanisi kumutema kana kumubaya, vazhinji vakatenda manzwi ake uye vakaenda kuna Nifai kunobhabhatidzwa.
Nifai akadzidzisawo vanhu pamusoro paJesu. Aida kuti vatende muna Jesu, vatendeuke, uye vabhabhatidzwe.
MaNifai mazhinji, zvisinei, havana kutenda manzwi aSamueri. Vakaedza kumubata.
Samueri akaurukira pasi kubva parusvingo uye akamhanyira kunyika yake.
Samueri akatanga kudzidzisa maRamani. Haana kuzombonzwikwa nezvake pakati pamaNifai zvakare.