Chitsauko 32
Mutungamiri Moronai neMureza weRusununguko
Kana Amarikaya akava mambo, aizoedza kuparadza Chechi yaMwari uye wobvisa rusununguko rwevanhu.
Apo Mutungamiri Moronai, mukuru wemauto emaNifai, paakanzwa chirongwa chaAmarikaya chokuva mambo, akashatirwa.
Moronai akabvarura bhachi rake kuti agadzire mureza. Pauri akanyora shoko rokuyeuchidza vanhu kuti vadzivirire chitendero chavo, rusununguko nerunyararo rwavo.
Moronai anoisa mureza pabango uye anoudaidza kuti mureza werusununguko. Zvino apfeka nguvo dzake dzehondo; akapfugama kuti anamate.
Akakumbira Mwari kuti vadzivirire avo vaitenda muna Jesu Kristu uye akanamatira rusununguko munyika, achiidaidza kuti nyika yerusununguko.
Moronai akaenda pakati pevanhu. Achisimudza mureza werusununguko, akavadaidza kuti vauye vazobatsira kudzivirira rusununguko rwavo.
Vanhu vakauya kubva kumativi ose enyika. Vakavimbisa kuteerera mirairo yaMwari uye kurwira rusununguko.
Apo Amarikaya paakaona huwandu hwemaNifai akanga abatana naMoronai, akatya. Iye nevateveri vake vakaenda kunobatana nemaRamani.
Moronai nemauto ake vakaedza kuvamisa, asi Amarikaya nevashoma vevarume vake vakatiza.
Moronai akaisa mureza werusununguko panharire imwe neimwe yaive munyika yemaNifai. MaNifai vakanga vachengeta rusununguko rwavo uye zvakare vakanga vava nerunyararo.