Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Chitsauko 32: Mutungamiri Moronai neMureza weRusununguko


Chitsauko 32

Mutungamiri Moronai neMureza weRusununguko

Mufananidzo
Amarikaya achitaura

Murume akaipa ainzi Amarikaya aida kuva mambo wamaNifai. MaNifai akawanda akanga asiya Chechi kuti vamutevere.

Mufananidzo
Amarikaya

Kana Amarikaya akava mambo, aizoedza kuparadza Chechi yaMwari uye wobvisa rusununguko rwevanhu.

Mufananidzo
Moronai achiwongorora Amarikaya

Apo Mutungamiri Moronai, mukuru wemauto emaNifai, paakanzwa chirongwa chaAmarikaya chokuva mambo, akashatirwa.

Mufananidzo
Moronai achinyora pamureza

Moronai akabvarura bhachi rake kuti agadzire mureza. Pauri akanyora shoko rokuyeuchidza vanhu kuti vadzivirire chitendero chavo, rusununguko nerunyararo rwavo.

Mufananidzo
Moronai achinamata

Moronai anoisa mureza pabango uye anoudaidza kuti mureza werusununguko. Zvino apfeka nguvo dzake dzehondo; akapfugama kuti anamate.

Mufananidzo
Moronai achinamata

Akakumbira Mwari kuti vadzivirire avo vaitenda muna Jesu Kristu uye akanamatira rusununguko munyika, achiidaidza kuti nyika yerusununguko.

Mufananidzo
Moronai achisimudza mureza

Moronai akaenda pakati pevanhu. Achisimudza mureza werusununguko, akavadaidza kuti vauye vazobatsira kudzivirira rusununguko rwavo.

Mufananidzo
vanhu vachiungana pana Moronai

Vanhu vakauya kubva kumativi ose enyika. Vakavimbisa kuteerera mirairo yaMwari uye kurwira rusununguko.

Mufananidzo
Amarikaya nevateveri vake vachitiza

Apo Amarikaya paakaona huwandu hwemaNifai akanga abatana naMoronai, akatya. Iye nevateveri vake vakaenda kunobatana nemaRamani.

Mufananidzo
Moronai nemauto ake

Moronai nemauto ake vakaedza kuvamisa, asi Amarikaya nevashoma vevarume vake vakatiza.

Mufananidzo
mureza uchibhururuka panharire

Moronai akaisa mureza werusununguko panharire imwe neimwe yaive munyika yemaNifai. MaNifai vakanga vachengeta rusununguko rwavo uye zvakare vakanga vava nerunyararo.

Dhinda