Chitsauko 30
Aruma Anoraira Vanakomana Vake
Aruma akataurira Hiramani, mwanakomana wake mukuru, kuti avimbe naMwari. Akamutaurira pamusoro pengirozi yakanga yatumwa naMwari kuti itaurire Aruma kuti arege kuparadza Chechi.
Kwemazuva matatu Aruma akatambudzika nekuda kwemhosva yake. Zvino akazorangarira dzidziso dzababa vake pamusoro paJesu, uye akaziva kuti zvivi zvake zvaigona kuregererwa.
Aruma akanamatira ruregerero, uye rufaro rwakatsiva kurwadziwa kwaive mumweya wake. Akaregererwa nekuti aive nerutendo munaJesu Kristu uye akanga atendeuka.
Kubvira panguva iyoyo Aruma akanga odzidzisa vamwe vhangeri kuti vagonzwawo rufaro rwumwecheterwo rwaakanga anzwa. Mwari vakanga varopafadza Aruma nekuda kweruvimbo rwake munaMwari.
Aruma akapa Hiramani zvinyorwa zvinoera uye akamutaurira kuti aenderere mberi nekunyora nhoroondo yevanhu vavo.
Aruma akamutaurira kuti kana akachengetedza mirairo, Mwari vaizomuropafadza uye nekumubatsira kudzivirira zvinyorwa zvacho.
Aruma akataurirawo Hiramani kuti anamate mangwanani nemanheru ega ega uye kuti ataure naMwari pamusoro pezvinhu zvose zvaaiita kuitira kuti Mwari vagobatsira kumutungamirira.
Aruma akafadzwa nemwanakomana wake Shibhuroni, uyo akanga ari mushumiri akashinga kumaZoramu. Shibhuroni akanga aramba akavimbika kunyange apo pavakamutema nematombo.
Aruma akarangaridza Shibhuroni kuti nzira chete yekuponeswa yaiva iri kuburikidza naJesu Kristu. Aruma zvino akakurudzira mwanakomana wake kuti arambe achidzidzisa vhangeri.
Koriandoni mwanakomana waAruma akanga asina kuchengeta mirairo. Akanga ari mushumiri asina kuvimbika apo paaidzidzisa maZoramu.
Nekuda kwezvakanga zvaitwa naKoriandoni, maZoramu havana kutenda dzidziso dzaAruma.
Aruma akataurira Koriandoni kuti vanhu havakwanise kuviga zvivi zvavo kubva kuna Mwari uye kuti Koriandoni aifanira kuti atendeuke.
Aruma akadzidzisa mwanakomana wake kuti munhu wese achazomutswa kuvakafa asi chete vakarurama ndivo vanozogara naMwari.
Hupenyu huno ndiyo nguva yekuti vanhu vatendeuke uye vashandire Mwari, Aruma akadaro.
Achirangaridza Koriandoni kuti akanga akadaidzwa kuti ave mushumiri, Aruma akamutaurira kuti adzokere kumaZoramu uye agodzidzisa vanhu kuti vatendeuke.
Aruma nevanakomana vake vakaenderera mberi nokudzidzisa vhangeri. Vakadzidzisa nesimba rehupirisita.