Chitsauko 2
Rihai Anoyambira Vanhu
Mufananidzo
Rihai nemurazvu wemoto
Rihai aiva muporofita. Akanamata kuti vanhu vatendeuke. Apo paakanga achinamata, murazvu wemoto wakavapo. Mwari vakataurira uye vakaratidza Rihai zvinhu zvakawanda.
Mufananidzo
Rihai achiona chiratidzo
Rihai akadzokera kumba uye akave nechiratidzo. Akaona Mwari vakakomberedzwa nengirozi zhinji. Ngirozi dzaiimba uye dzichirumbidza Mwari.
Mufananidzo
Chiratidzo chaRihai
Muchiratidzo chake Rihai akapihwa bhuku raitaura izvo zvaizoitika mune ramangwana. Akaverenga kuti Jerusarema raizoparadzwa nokuti vanhu vakanga vakaipa.
Mufananidzo
Rihai achitaura kuvanhu
Rihai akataurira vanhu kuti Jerusarema raizoparadzwa. Akataurawo nezve kuuya kwaJesu. Vanhu vakashatirwa uye vakaedza kuuraya Rihai, asi Ishe vakamudzivirira.