Chitsauko 12
Mambo Benjamini
Mambo Benjamini akanga achembera uye aida kutaura nevanhu vake. Aida kuvataurira kuti mwanakomana wake Mosaya ndiye aizova mambo aitevera.
Vanhu vakauya kubva kwese kwese munyika uye vakaungana padyo netemberi. Vakaisa tende dzavo kuitira kuti misuwo itarise kutemberi.
Mambo Benjamini akataura ari pashongwe kuitira kuti maNifai vakwanise kumunzwa.
Akataurira vanhu vake kuti akanga aedza zvakasimba kuvashandira. Akati nzira yekushandira Mwari ndeye kushandirana.
Mambo Benjamini akataurira vanhu kuti vateerere mirairo yaMwari. Avo vanochengeta zvakatendeka mirairo yaMwari vanozofara uye nerimwe zuva vanozogara naMwari.
Mambo Benjamini akati Jesu Kristu akanga achizozvarwa panyika nenguva pfupi. Zita raamai vake raizonzi Maria.
Jesu aizoita zvishamiso. Aizoporesa vanorwara uye achiunza vakafa kuupenyu. Aizoita kuti mapofu aone uye matsi dzinzwe.
Jesu aizotambudzikira nekufira zvivi zvevanhu vese. Avo vanotendeuka uye vachiva nerutendo muna Jesu vanozoregererwa zvivi zvavo.
Mambo Benjamini akataurira maNifai kuti varume vakaipa vaizorova Jesu nezvamboko. Zvino vaizomurovera pamuchinjikwa.
Mushure memazuva matatu Jesu anozomutswa kuvakafa.
Mushure mekunge Mambo Benjamini ataura, maNifai akawira pasi. Vaiva neurombo nezvivi zvavo uye vakada kutendeuka.
Vanhu vakava nerutendo muna Jesu Kristu, uye vakanamata kuti varegererwe.
Mweya Mutsvene wakazadza mwoyo yavo. Akaziva kuti Mwari vakanga vavaregerera uye kuti vaivada. Vakanzwa runyararo nerufaro.
Mambo Benjamini akataurira vanhu kuti vatende muna Mwari. Aida kuti vazive kuti Mwari vakanga vasika zvinhu zvose uye kuti vakachenjera uye vane simba.
Mambo Benjamini akataurira vanhu kuti vazvininipise uye vanamate mazuva ose. Aida kuti vanhu vake vagare vachiyeuka Mwari uye vave vakatendeka.
Akataurira vabereki kuti vasarega vana vavo vachirwa kana kukakavadzana.
Akavataurira kuti vadzidzise vana vavo kuti vave vanoteerera uye kuti vadanane nekushandirana.
Akayambira vanhu kuti vachenjerere zvavaifunga, zvavaitaura, nezvavaiita. Vaifanira kuva vakatendeka uye vachichengeta mirairo kweupenyu hwavo hwese.
Mambo Benjamini akabvunza vanhu kana vaitenda dzidziso dzake. Vese vakati vaitenda. Mweya Mutsvene wakanga wavashandura, uye vakanga vasisade kutadza.
Vose vakatsidzira, kana kuvimbisa, kuchengeta mirairo yaMwari. Mambo Benjamini akafara.
Mambo Benjamini akapa mwanakomana wake Mosaya mvumo yekuva mambo mutsva. Mushure memakore matatu Mambo Benjamini akafa.
Mosaya akanga ari mambo akarurama. Akashanda nesimba uye akashandira vanhu vake, sezvakaita baba vake.