Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Vanhu vekuziva


Vanhu vekuziva

Abhinadaimuporofita akatumwa kunodzidzisa Mambo Noa, uyo akakonzera kuti Abhinadai apiswe kusvikira afa

Adamamunhu wekutanga panyika

Amarikiyamurume aiva akaipa aida kuve mambo wemaNifai asi angadai akazotora rusununguko rwevanhu. Apo paakatadza kuva mambo, akaenda kunobatana nemaRamani.

AmarisaiMurume aive akaipa, uye aida kuve mambo wemaNifai. Apo paakatadza kuva mambo, iye nevateveri vake, vakabva, vakarwisa maNifai, uye ndokubva vanobatana nemaRamani.

AmaroniMurume akarurama akapa Mormoni magwaro kuti achengetedze zvakanaka.

Amoni, vanhu vaMaRamani akatendeutswa nevanakomana vaMosaya Vanhu vakaviga zvombo zvavo uye vakatsidza kusambofa vakarwa zvakare.

Amoni1mutungamiriri weboka remaNifai aibva kuZarahemura, uyo akaenda kunyika yaNifai uye akabatsira maNifai ikoko kuti vapukunyuke

Amoni2mumwe wevanakomana vaMosaya akadzivirira zvipfuyo zvaMambo Ramoni kubva kumakororo Akadzidzisa nekutendeutsa maRamani akawanda munguva yehushumiri hwake.

Amurekimufambidzani pahushumiri hwaAruma Mudiki Vakaiswa mutirongo asi vakashandisa simba raMwari kuti madziro etirongo apunzike.

Amuronimupirisita akaipa waMambo Noa, uyo akaitwa mutongi kuvanhu vaAruma. Akaita kuti vashande zvakaoma uye akavatyisidzira nekuti aizouraya ani nani aiwanikwa achinamata.

Aronimwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.

Arumamupirista waMambo Noa akatenda dzidziso dzaAbhinadai uye pashure akazove mutungamiriri muChechi

Aruma Mudikimwanakomana waAruma akapanduka uye akaedza kuparadza Chechi asi akatendeuka akatanga kudzidzisa vhangeri. Akazove mutungamiri weChechi uye mutongi mukuru wekutanga.

Benjamin, Mambomambo wakarurama uyo akamira pashongwe kuti adzidzise vanhu vake nezva Jesu Kristu.

Enosimwanakomana waJakobho akanamata zuva rose uye kupinda muhusiku. Akanamatira maNifai nemaRamani.

Etamuporofita akayambira maJaredhi kuti vatendeuke uye akanyora nezve kuparadzwa kwavo

Evamukadzi wekutanga panyika

GidiyonimuNifai aiva akarurama akadzivirira Chechi apo Neho paakatanga kudzidzisa vanhu nhema. Neho akamuuraya

Hagoti muvaki wengarava wechiNifai uyo akatora maNifai akawanda kuenda kunyika yekumaodzanyemba

Himinayimwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.

Hiramanimwanakomana mukuru waAruma Mudiki. Akapiwa mahwendefa uye akaudzwa kuti anyore nhoroondo yevanhu vake. Aivawo mutungamiri wezviuru zviviri zvevarwi vechidiki.

Ishimairimurume aibva kuJerusarema akafamba kuenda kunyika yechipikirwa nemhuri yaRihai. Vanasikana vake vakaroorwa nevanakomana vaRihai.

Jakobhomwanakomana waRihai naSaria Akapikisa Sheremu, uyo aiti Kristu aisaveko.

Josefamwanakomana akarurama waRihai naSaria uyo akazvarirwa murenje

Joseph Smith, Mudikimuporofita wemazuva ekupedzisira uyo akadudzira Bhuku raMormoni kubva pamahwendefa egoridhe

Koriandonimwanakomana waAruma Mudiki uyo aive asiri mushumiri akatendeka uye akarurama.

Koriandumamambo wakaipa aive muJaredhi mupenyu wokupedzisira

Korihomurume aiva akaipa uyo aida chiratidzo chaizoratidza kuti Mwari anorarama. Mwari vakapa Koriho chiratidzo nekumutorera inzwi rake.

maAmirisaivateveri vaAmirisai Vakaisa mucherechedzo mutsvuku pahuma uye ndokubatana nemaRamani.

MaJaredhivateveri vaJaredhi nemukoma wake avo vakasiya Bhabheri uye vakaenda kunyika yechipikirwa vari muzvikepe

MaNifaiVateveri vaNifai kana kuti vanhu vakatambira vhangeri

MaRamanizvizvarwa kana kuti vateveri vaRamani naRumeri kana kuti vanhu vakaramba vhangeri

Mariamai vaJesu

MaZoramuvanhu vaive vakaipa vaimbove nhengo dzeChechi yaMwari vainamata vari mumasinagoge panzvimbo yakakwirira yainzi Rameumbutomu.

Mormonimutungamiriri wemauto echiNifai uye mumwe wevaporofita vekupedzisira wechiNifai. Ndiye akaisa zvinyorwa pamwechete kuita Bhuku raMomoni.

MoronaiMwanakomana waMormoni uye muporofita wechiNifai wekupedzisira. Akaviga mahwendefa egoridhe uye pashure akazozviratidza kuna Josephi Smith sengirozi.

Moroni, Mutungamirimutungamiriri akarurama weuto remaNefi. Akagadzira mureza werusununguko uye akaudza mauto ake kuti varwire rusununguko rwavo.

Mosaya, Mambomambo wekupedzisira wechiNifai Aiva nevanakomana vana.

mukoma waJaredhimuporofita akakumbira Jesu kuti abate matombo gumi nematanhatu kuitira kuti azopa chiedza mukati muzvikepe izvo zvakashandiswa nemaJaredhi kuenda kunyika yechipikirwa

Nehomurume akaipa akapikisa zvakasimba Chechi yaMwari. Akauraya Gidhiyoni uye iye akauraiwawo.

Nifai1mwanakomana aive akarurama waRihai naSaria. Akatora mahwendefa ebhurasi kubva kuna Rabani uye akavaka ngarava yakaendesa mhuri yake kunyika yechipikirwa.

Nifai2mwanakomana waHiramani Iye nemukoma wake, Rihai vakakandwa mutirongo uye vakakomberedzwa nemoto. Nifai akakonzera nzara senzira yekudzidzisa vanhu kuti vatendeuke.

Nifai3murume aiva akarurama akasarudzwa naJesu Kristu kuti ave mudzidzi nemutungamiri weChechi

Noa, Mambomambo wechiNifai waive akaipa uyo aida hupfumi uye aidzidzisa vanhu vake kuve vakaipa. Vanhu vake pachake vakamupisa kusvikira afa.

Omunamwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.

Pahoranimutongi mukuru wechiNifai uyo akabatsira Mutungamiriri Moronai kukunda maNifai aive akaipa.

Rabhanimurume aive akaipa muJerusarema uyo airamba kupa mahwendefa ebhurasi kuvanakomana vaRihai

Ramanimwanakomana mukuru waRihai naSaria. Akanga akaipa uye akapandukira Mwari.

Ramani, Mambomambo wechiRamani aive akaipa uyo akapa Zenifi nevateveri vake vechiNifai maguta maviri asi zvino ndokuzovarwisa

Ramonai, baba vaMambomambo wechiRamani akadzidziswa vhangeri akatenda. Akati aizosiya zvivi zvake zvose kuti azive Mwari.

Ramoni, Mambomambo wechiRamani akadzidziswa vhangeri akatenda. Amoni2 akadzivirira zvipfuyo zvamambo kubva kumakororo.

Remuerimwanakomana akaipa waRihai naSaria

Rihai1muporofita uyo akayambira kuti Jerusarema yaizoparadzwa. Akateerera apo Mwari paakamuudza kuti atore mhuri yake vaende murenje.

Rihai2mwanakomana waHiramani Iye nemunin’ina wake Nifai, vakakandwa mutirongo uye vakakomberedzwa nemoto.

Rimihi, Mambomwanakomana akanaka waMambo Noa aive akaipa. Iye nevanhu vake vaive nhapwa dzemaRamani asi vakapukunyuka.

Samueri muRamani Muporofita akaporofita kumaNifai nezve zviratidzo zvekuzvarwa nekufa kwaJesu Kristu

Sariamukadzi1 waRihai

Semumwanakona akarurama waRihai naSaria

Sendamumunin’ina uye mupondi waSizoramu

SheremumuNifai akaipa uyo aida chiratidzo asati atenda muna Jesu Kristu

ShizimuJaredhi aive akaipa akatungamira mauto kunorwisana naKorianduma uye aiva mumwe wemaJaredhi ekupedzisira airarama.

Sizoramumutongi mukuru akapondwa nemunin’ina wake

Vaipikisa maNifai-Rihai(ona Amoni, vanhu va)

vanakomana vaMosayavanakomana vaMambo Mosaya: Aroni, Amoni,2 Himinai, naOmuna, avo vaive vashumiri vakasimba kumaRamani

varume vakasunungukaMaNifai aida rusununguko rwekurarama nokunamata semasarudziro avo. Vaitongwa nevatongi, kwete namambo.

varume vamamboMaNifai avo vaida kutongwa namambo, kwete nevatongi Apo pavakatadza kuva namambo vakabatana nemaRamani uye vakarwisa maNifai.

Zarehemuramutungamiri wechiRamani akarwisana nemaNifai uye aida kuti vave nhapwa dzake. Akachekwa kubviswa ganda redehenya muhondo yavairwisana nemauto aMutungamiri Moronai.

Zenifimutungamiri akarurama uyo akatora boka remaNifai kubva kuZarahemura kuenda kunyika yaNifai, uko kwavakanova nhapwa dzaMambo Ramani aive akaipa

Ziziromugweta rakaedza kupa Amureki mari kuti ati hakuna Mwari. Aruma Mudiki akamudzidzisa vhangeri, uye akatendeuka.

Zoramumuranda waRabani uyo akaenda nemhuri yaRihai kunyika yechipikirwa

zviuru zviviri zvevarwi vechidikimauto evarume vadiki vechiAmoni aitungamirirwa naHiramani. Vakarwa kuitira kuti vabereki vavo, avo vakangaka vakatsidza kusarwa, vasazofanira kurwa.

Dhinda