Chitsauko 45
Jesu Kristu Anodzidzisa pamusoro peSakaramende neMunamato
Apo vadzidzi pavakadzoka, Muponesi akagura chingwa kuita zvimedu uye akachiropafadza. Akapa chimwe kuvadzidzi vake uye akaita kuti vape chimwe kuvanhu.
Jesu akati vanhu vanotora sakaramende vanovimbisa kugara vachimurangarira iye nekuzvipira kwake. Zvino vanotambira Mweya wake.
Jesu Kristu akaropafadza waini uye akapa imwe kuvadzidzi vake. Vadzidzi vakapa imwe waini kuvanhu.
Jesu akati avo vanotora sakaramende vanovimbisa kuchengeta mirairo yake.
Jesu zvakare akaudza vadzidzi vake kuti munhu wose anotora sakaramende uye anogara achimurangarira anozova neMweya wake.
Akaudza vadzidzi vake kuti vaizoropafadzwa kana vakachengeta mirairo yake.
Akavaudza kuti vanamate nguva dzose uye kuti vanamate samaonere avakamuita achinamata.
Muponesi akaudza maNifai ose kuti vanamate kuna Baba Vokudenga nemuzita rake. Akavarairawo kuti vanamatire mhuri dzavo.
Akati vanhu vanofanira kusangana pamwechete kakawanda. Vanofanira kutambira vamwe kumisangano yavo, kuvanamatira, uye kuva mienzaniso yakanaka kwavari.
Muponesi akapa vadzidzi vake simba rokupa Mweya Mutsvene. Zvino gore rakafukidza vanhu zvokuti vadzidzi chete ndivo vakaona Jesu Kristu achikwira kuenda kudenga.