Chitsauko 42
Zviratidzo zveKuroverwa paMuchinjikwa kwaKristu
Zvino vakanga votarisira zviratidzo zvekufa kwake; mazuva matatu erima.
Vamwe havana kutenda kuti chiratidzo chaizouya. Vakakakavadzana neavo vaitenda.
Rimwe zuva dutu guru rakasimba rakauya. Kwaiva nemhepo huru yaityisa.
Mheni yakapenya, uye mabhanan’ana akadengenyedza pasi pose.
Guta reZarahemura rakabvira nemoto. Guta reMoronai rakanyura mugungwa. Guta raMoronaiha rakafushirwa pasi.
Kudengenyeka kwenyika kwakazunguza pasi pose. Nzira huru dzakaparadzwa; uye zvivako zvizhinji zvakaputsikira pasi. Maguta mazhinji akaparadzwa, uye vanhu vazhinji vakaurawa.
Dutu guru nekudengenyeka kwenyika zvakatora nguva ingangoita maawa matatu.
Apo dutu guru nekudengenyeka kwenyika pazvakamira, rima guru rakafukidza nyika. Kwakanga kusina chiedza kana kupi zvako. Vanhu vaitokwanisa kana kubata rima racho.
Rima iri rakavapo kwemazuva matatu. Makanduru akanga asingakwanisi kupfuta, uye vanhu vakanga vasingakwanisi kuona zuva, mwedzi, kana nyeredzi.
Vanhu vakachema nekuda kwerima, kuparadzwa, uye nerufu. Vakava neurombo kuti vakanga vasina kutendeuka pazvivi zvavo.
Zvino vanhu vakanzwa inzwi raJesu Kristu
Jesu akavataurira pamusoro pekuparadzwa kukuru kwaityisa kwaiva munyika. Akati vanhu vakanga vakanyanya kuipa vakanga vaurawa.
Akati avo vakanga vasina kuuraiwa vaifanira kutendeuka. Kana vakadaro uye vakauya kwaari, aizovaropafadza.
Vanhu vakashamiswa zvikuru mushure mekunzwa inzwi zvokuti vakarega kuchema. Zvinhu zvose zvakanyarara kwemaawa mazhinji.
Zvino Jesu akataura zvakare, achiti akanga aedza kakawanda kubatsira vanhu. Kana vaizotendeuka iyezvino, vaizokwanisa kudzokera kwaari.
Mushure memazuva matatu rima rakabva. Vanhu vakapembera uye nemufaro vakatenda Ishe.